Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Voshora Mashoko aVaMugabe eHumbimbindoga


Simba Makoni
Vaimbove gurukota rezvemari uye vari mutungamiri webato re Mavambo Kusile Dawn, kana kuti MKD, VaSimba Makoni, vashora mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kuti vatungamiri vemapato ari muhurumende ndivo vanezwi rekupedzisira pamusoro pebumbiro remitemo yenyika riri kunyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende, yeCOPAC.

VaMakoni vanoti zvakataurwa naVaMugabe neChipiri zvinoratidza kuti havaremekedze dare reparamende pamwe nechibvumirano chezvematongerwo enyika. VaMakoni vati Va Mugabe vari kuda kuedza kutora masimba eparamende.

Mutungamiri weMDC-T, uye vari mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanobvumirana naVaMakoni, sezvo chibvumirano cheGlobal Political Agreement, chisingabvumidze VaMugabe kuita zvavari kuda kuita.

VaMakoni vatiwo zviri kuda kuitwa naVaMugabe izvi zvinotaratidza kuti havakoshese zvakataurwa nevanhu paibvunzwa vanhu neCOPAC zvavanoda kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Kana COPAC yapedza kuisa zvakataurwa nevanhu pamusangano wechipiri we All Stakeholders Conference mugwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, COPAC yakatarisirwa kuendesa gwaro iri kuparamende kuti rinoongororwa nedare iri pasati paitwa referendamu.

Mune imwewo nyaya, mudzimai waVaTsvangirai, Amai Elizabeth Tsvangirai, vapa chikafu kumhuri dzenhengo makumi matatu dzeMDC-T idzo dzadaritsa gore dziri mujeri dzichipomerwa mhosva yekuponda mupurisa, VaPetros Mutedza, mumusha we Glen View muHarare gore rapera.

Amai Tsvangirai vakurudzira mhuri idzi kuti dzigare dzakashinga munguva yavati yakawoma kudai vachiti vane tarisiro yekugadzirisa nyaya iyi kana MDC-T ichinge yave kutonga iri yoga.

Ataura akamirira mhuri idzi, Amai Georgina Maengehama, vati vafara zvikuru nerubatsiro rwavapihwa urwu sezvo vachiti hupenyu hwanga hwave kuvawomera.

MDC-T inoti nhengo dzayo dziri kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG