Accessibility links

Breaking News

ZNCC Inoti Hurumende Ngaibatsire Makambani Ari Kushanda Zvakanaka Kwete Akavharwa


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe
Rimwe sangano revemabhizimisi, reZimbabwe National chamber of Commerce, kana kuti ZNCC, rinoti hurumende inofanira kusiyana nekutsigira makambani ari kutatarika yotsigira ayo ari kushanda zvakanaka kuitira kuti avandudze mabasa awo.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvemabhizimisi nemaindasitiri maererano nemamiriro akaita maindasitiri munyika, imwe nyanzvi yeZNCC, inoona nezvekufambiswa kwemabhizimisi, VaBrains Muchemwa, vati mamwe makambani ari kutarika kana kuti akavhara ange asiri kutungamirwa zvakanaka uye akatadza kubhadhara zvikwereti zvawo zvekuti chero akawana rubatsiro rwakaita sei, haasimuki.

Vachitsigira VaMuchemwa, mukuru weZNCC, VaHlanganiso Matangaidze, vatiwo mamwe makambani acho haachafa akamuka.

Vatiwo zvinodhura kuedza kumutsiridza makambani aya pane kutanga mamwe makambani matsva vati semuenzaniso kambani yeCold Storage Commission inoda madhora mamiriyoni gumi nemapfumbamwe kuti itange kushanda zvakare.

Vati pamari iyi mamiriyoni gumi nematanhatu ndeyekubhadhara zvikwereti zvine kambani iyi. Homwe yekubatsira makambani akavhara kana ari kutatarika yakaumbwa nehurumende yemubatanidzwa yeDistressed Industries and Marginalized Areas Fund haina kubudirira sezvaitarisirwa nekuda kwekuti makambani aya akatadza kuita zvaidiwa kuti abatsirwe nemari.

VaMuchemwa vaudza komiti iyi kuti maindasitiri munyika ari kukanganiswa nezvinhu zvinobva kunze kwenyika zvichitengeswa nemutengo uri pasi pezvinogadzirwa muno.

Vati zvakakosha kuti hurumende irambidze zvinhu izvi kupinda munyika senzira yekuchengetedza makambani emuno kubva kumakambani ekunze.

Vatiwo zvimwe zviri kuuraya maindasitiri emuZimbabwe kudhura nekushaikwa kwezvinhu zvakaita semvura nemagetsi, kushaya mari yekushandisa pamwe nekudhura kwemari yezvikwereti.

VaMuchemwa vatiwo mutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema, kutorwa kwakaitwa minda ndezvimwe zviri kuita kuti vekunze vasauye kuzotanga mabhizimisi muno vakati zvakakosha kuti hurumende igadzirise nyaya iyi.

Vatiwo nyaya yezvikwereti zvenyika kumasangano akawanda akaita se World Bank ne International Monetary Fund, pamwe nekutorwa kwakaita mari dzevanhu nemakambani nebhanga guru renyika, ndizvo zvimwe zviri kuita kuti vemaindasitiri vasawana rutsigiro rwemari kubva kumasangano ekunze.

Mumiriri weMasvingo Urban, uye vari nhengo yekomiti iyi, VaDaniel Shumba, vatiwo mari yakatorwa neRBZ munguva yekuoma kwezvinhu kuma 2006 inofanira kugadziriswa kuitira kuti vanhu pamwe nevemabhizimisi vasafunge kuti vanogona kutorerwa mari dzavo zvekare.

Maindasitiri mazhinji munyika ari kuvhara nekuda kwekuoma kwakaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Sachigaro wekomiti inoona nezvemabhizimisi nemaindasitiri, VaRay Kaukonde, vati ibasa remunhu wese wemuZimbabwe kuona kuti makambani aya amutsiridzwa kuitira kuti atange kushanda zvakare.

Vati komiti yavo ichashanda nemasangano akaita seZNCC nemamwe mukuona kuti izvi zvaitika.
XS
SM
MD
LG