Accessibility links

Breaking News

Varume Vashoma Vochecheudzwa muZimbabwe


Ongororo yakaitwa nehurumende nemasangano akazvimirira oga inoratidza kuti chirongwa chekuchecheudzwa kwevanhurume hachisi kutambirwa zvakanaka nevanhu munyika.

Mukuru wezvirongwa zveHIV/AIDS and Tuberculosis Unit mubazi rezvehutano, Dr Owen Mugurungi, vanoti hurumende iri kushushikana nemashoko aya.

Mukuru wesangano reUnited Nations Joint Program on HIV/AIDS muZimbabwe, kana kuti UNAIDS, Muzvare Tatiana Shomiliana, vanotiwo sangano ravo riri kunetsekana nekusatambirwa kwechirongwa ichi zvakanyanya.

Muzvare Shomiliana vanoti mari zhinji dzakange dzawanikwa kuita chirongwa idzi dzakangogara sezvo chirongwa ichi chisiri kufamba nenzira yanga yakatarisirwa.

Chimwe chiri kupawo kuti vanhu vatye kuchecheudzwa, kunze kwekushaya anonyatsoshambadzira, inyaya yekuti tsika yekuchecheudzwa iyi inenge itsva kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda.

Marudzi agara achiita izvi anosanganisira Xhosa, Tonga, Shangani uye vamwe vakabva kuMalawi kare kare vakazogara munyika.

Nyaya yekusava netsika iyi inopawo vamwe kuti vatyire kuti makanda anenge achekwa anozoshandiswa munyaya dzehuroyi. Vamwe vanotiwo vakachekwa vanozogona kutadza kuita vana.

Mamwewo madzimai anotyira kuti varume vavo vakachecheudzwa vanenge voita semabhuru kudhibha vachiita zvepabonde nemadzimai akasiyana siyana vachifunga kuti havachabatire HIV/AIDS.

Vamwewo vanotyira kuti nyaya yekuchecheudzwa iyi inovapa chironda chinorwadza zvikuru. Vaimbova nhengo yeparamende uye vakambotungamirawo nyaya yekuchecheudzwa kwevanhurume, VaBlessing Chebundo, vanoti pakuchecheudzwa hapo haparwadze asi kana munhu apedza anoti rwadziwei.

Chimwewo chinonyanya kupa kuti vanhu vagare havo vasina kuchecheudzwa inyaya yekuti vamwe vanhu vanofa vachichecheudzwa zvikuru vaye vanoita vachishandisa nzira dzakare vasiri muzvipatara.

Gore rapera mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaJacob Zuma, vakati vakashushikana zvakanyanya mushure mekunge vechidiki vanosvika makumi matatu vafa paichecheudzwa vanhu zvechinyakare mudunhu reMpumalanga.

Mumamwe marudzi ekuSouth Africa anosanganisira Xhosa, kuti mukomana anzi ave murume anofanira kunge achecheudzwa.

Vakava mutungamiri weSouth Africa mutema wekutanga, mushakabvu VaNelson Mandela, vakatiwo munganonyorwa yehupenyu hwavo, Long Walk to Freedom vakachecheudzwa zvichiratidza kuti vainge vabva mukuva mukomana vachiva murume.

Asi VaZuma vanoti kushandisa vana sorojena kuita izvi musangano handi tsika yakanaka. Nyaya yekuchecheudzwa iyi inoitwa muchivande uye vazhinji vanofa nekuti vanochekwa tsinga vobuda ropa kusvika vafa.

Nyaya yekufa kwevanhu vachicheudzwa iyi hasi kungoitika muAfrica chete.

Ongororo yakaitwa muna 2010 muAmerica yakaratidza kuti vana vacheche zana vanofa gore rega rega vachicheudzwa muAmerica. Ongororo iyi yakabuda mugwaro rezvehutano reThymos: Journal of Boyhood Studies.

Vacheche ava vakafa nenyaya dzinosanganisira kusawirirana nemishonga, kutadza basa kwavana chiremba, kuoma mutezo, kubatira zvimwe zvirwere kwezvironda uye kubuda ropa kwakanyanyisa. Asi ongororo iyi inoratidza kuti ndufu dzakadai dzinokwanisa kudzivirirwa.

Asi mazuva ano pave nenzira itsva yakaparurwa mukupera kwegore rakapera. Nzira itsva iyi inonzi Prepex Non Surgical Device haina hayo basa nekuti munhurume achekwe ganda uye inotarisirwa kuti inotambirwa nevarume vakawanda muZimbabwe.

Nzira itsva iyi yekuchecheudza vanhurume iyi inoshandisa rhabha inosunga ganda rekumusoro kwenhengo yemurume uye yakatambirwa nesangano reWHO kuti ishandiswe senzira yekuderedza kutapuriranwa kweHIV/AIDS.

Nyanzvi dzinokurudzira kushandiswa kwe Prepex Non Surgical Device dzinoti ganda rekumusoro rinodonha rega mushure memasvondo maviri rasungwa nerhabha inenge yakaiswa mushonga.

Nyanzvi dzinoti kana pakashandiswa Prepex, marwadzo anopera nekukurumidza, zvichisiyana nekuchekwa, uko kunopera marwadzo mushure memasvondo matanhatu.

Vaimbova gurukota rinoona nezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti munguva yavo vakayedzawo zvikuru kuti vanhu vachecheudzwe muZimbabwe.

Dr Madzorera vanokurudzira vanakomana nevanhurume kuti vakurumidze kuchecheudzwa kwete kuzoita izvi vakura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG