Accessibility links

VaChombo Vanonyimwa Mukana Wekuti Vabvise Mari yeChibatiso

  • Thomas Chiripasi

Zimbabwe's former finance minister, Ignatius Chombo, center and Kudzanai Chipanga are led to a prison truck in Harare, Zimbabwe, Nov. 25, 2017. Chombo testified that armed men in masks and

Vaimbova gurukota rezvemari, VaIgnatius Chombo, pamwe nevaimbova mutungamiri muboka revechidiki mu Zanu PF, Va Kudzanai Chipanga, vanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ramejasitiriti remu Harare.

Vaviri ava, avo vamiswa pamberi pevatongi vakasiyana, vanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Vatongi vanzwa zvikumbiro zvevaviri ava vati vaviri ava havana kuchengetedzeka kana vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo vachiti vakagumbukirwa neveruzhinji.

Mutongi anzwa chikumbiro chaVa Chombo, VaElisha Singano, vati Va Chombo vanogona kutiza munyika sezvo vachiti miganhu yenyika haina kuchengetedzwa zvakasimba zvinozoita kuti vatadze kumirira kutongwa kwemhosva dzavari kupomerwa.

Nekune rumwe rutivi, mutongi anzwa chikumbiro chaVa Chipanga, Amai Josephine Sande, vati VaChipanga vanogona kuitwa kanyama-kanyama neveruzhinji avo vanonzi vakavatukirira pavakabuda mudare neMugovera.

Kunyange hazvo vatongi vaviri ava vabvumirana naVa Lovemore Madhuku vanove gweta riri kumirira Va Chombo naVa Chipanga kuti munhu ane kodzero dzekupihwa mukana wekubhadhara zvisinei nemhosva yaakatarisana nayo, vatongi ava vati zvinogona kukonzera kusagadzikana munyika kana va chombo nava chipanga vakapihwamukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Va Madhuku vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Va Chombo vari kupomerwa mhosva yekushandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo, pmawe nekuita huori mukutengeswa kwemasitendi pavaive gurukota rezvematunhu uye kutora mari kubhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe vakairovera pamupinyi.

Nekune rumwe rutivi, Va Chipanga vari kupomerwa mhosva yekuburitsa mashoko emanyepo uye anokanganisa chimiro chemauto emunyika zvichitevera mashoko avakatura pamuzinda we Zanu PF vachitsoropodza mukuru wemauto munyika, Va Constantino Chiwenga, avo vakati masoja aizopindira kugadzirisa zvainetsa munyika.

Masoja akazopindira zvakazokonzerawo kuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye chigaro vakatsiviwa navaimbova mutevedzeri wavo, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakagadzwa semutungamiri mutsva wenyika neChishanu svondo rapera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG