Accessibility links

Nyakupfura VaPatrick Kombayi Muna 1990, VaChivamba, Vanoshaya

  • Blessing Zulu

VaKizito Chivamba

Mutevedzeri wasachigaro weZanu-PF mudunhu reMidlands Province, VaKizito Chivamba, avo vange vari nhengo yeparamende inomirira Chiwundura, vakashaya kuchipatara cheGweru nemusi weChitatu.

VaChivamba vakatanga kuva nhengo yeZanu muna 1972 uye vanoti vainge vari mujibha kubva muna 1977 kusvika muna 1979.

Vange vari nhengo yeparamende kubva muna 2008.

Mufi anonzi ange arwara kwenguva yakareba.

Kunyange hazvo veZanu-PF mudunhu iri vari kuchema vachiti vaive gamba, vamwe vanopikisa vanoti nyaya yavo yekupfura muchakabvu Patrick Kombayi vachibatsirana naVaElias Kanengoni musori, avo vakaitwa gamba renyika munongedzo wekuti muZimbabwe hamuna hutongo hwejekerere.

Muna 1990 munguva yesarudzo, VaChivamba naVaKanengoni vakapfura VaKombayi vainge vari kubato reZimbabwe Unity Movement.

VaKombayi vaikwikwidzana nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika mushakabvu Simon Muzenda kuGweru.

Dare repamusoro soro rakavatongera kugara mujeri kwemakore manomwe asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabva vavaregerera vachishandisa masimba avo semutungamiri wenyika.

Munguva yehondo yeChimurenga, VaKombayi vaibatsira zvikuru varwiri verusununguko vainge vari kuZambia.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, avo vanoshanda nesangano reHuman Rights Watch, vanoti tsika yehurumende yeZanu-PF yekuregerera vanotyora kodzero dzevanhu iri kudzosera hutongo hwejekerere kumashure.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG