Accessibility links

Breaking News

Gore ra2015 Ropera Mabhizinesi Achichema Sezvo Zvinhu Zvakaoma muZimbabwe


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Apo 2015 yaakupera, vemabhizimisi, pamwe nevanhuwo zvavo vanoti igore range rakaoma zvikuru uye tariro yavo ndeyekuti dai zvinhu zvasanduka mune remangwana ravo.

Kana hurumende chaiyo, yakatobvuna kuti zvinhu zvange zvakaipa gore rino zvekuti gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti hupfumi hwenyika hausi kuzokura zvezvavange vakatarisira.

Pange paine tariro yekuti hupfumi huchakura nezvikamu zvitatu nechidumbu kubva muzana. Asi pari zvino zvave kutarisirwa kuti huchakura nechikamu chimwe chete nechidimbu kubva muzana sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wesangano Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaTakunda Mugaga, vanoti mabhizimisi mazhinji munyika akakanganiswa zvikuru nenyaya yekushaikwa kwemagetsi.

Vanoti nyaya yekupinda kwezvinhu zvinobva kunze kwenyika ndiyo imwewo iri kuramba ichivhiringa mabhizimisi emuno zvekuti haasi kukukura uyewo mamwe acho ari kutovhara.

Mutungamiriri werimwe remasangano anomirira vane zvitoro zvinotengesa zvinhu, reConferderation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanobvumirana naVaMugaga kuti gore ra2015 range rakaoma zvikuru.

Vanotiwo kudzingwa kwevanhu mabasa pamwe nekutadza kubhadhara bhonasi kwakaitwa nehurumende nemakambani akawanda ndiko kuri kuita kuti vanhu vashaye mari yekutenga izvo zviri kuita kuti basa ravo riite shoma.

Kunyange vemazhizimisi madiki vanoti zvinhu hazvisi kuvafambira.

Vamwe vevanhu ava vakaita saMuzvare Patience Zhou, avo vanotengesa zvakasiyana siyana, vanoti vazhinji havana mari uye vari kutotenga nezvikwereti uye vachitotadza kubhadhara nenguva.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vanotiwo gori rino range rakaoma uye rizere nekutambudzika kweveruzhinji.

Vanoti izvi zvakabuda pachena sezvo veruzhinji vairasikrwa nemabasa vakatanga kutsvaga kurarama nekutengesa mumigwagwa.

Asi vemabhizimisi vanoti ramangwana rinogona kunaka kana hurumende ikagadzirisa nyaya dzemagetsi pamwe nemitemo inovhiringa vanoda kutanga mabhizimisi munyika.

VaMugaga vanoti zvinofadza kuti Zimbabwe iri kukwira manera pachikero cheWorld Bank che Ease of Doing Business vachiti hurumende inofanira kuramba ichinatsururdza mashandiro evemabhizimisi kuitirakuti vekunze nevemuno vavhure mabhizimisi matsva muZimbabwe.

Vanotiwo chimwe chinofadza ndechekuti hurumende yave kushanda nevemabhizimisi kugadzirisa nyaya iyi uyewo zvinofadza kuti hurumende iri kugadzirisa nyaya yezvikwereti zvayo kumusangano akaita sana World Bank neInternational Monetary Fund izvo zvinozoita kuti ikwanise kuwana mari kubva kumasangano aya nemamwe.

XS
SM
MD
LG