Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokumbira Kukanzurirwa Chikwereti neAfrican Development Bank

African Development Bank
African Development Bank

Hurumende yakumbira bhanga re African Development Bank, AfDB, kuti rikanzure chikwereti chine nyika kubhanga iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau mu Harare mushure mekusangana nechikwata chevakuru-vakuru chebhanga iri icho chichange chiri munyika kwesvondo, gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vakumbira kuti Zimbabwe ikanzurirwe chikwereti chainacho kubhanga iri zvavati zvichaita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

VaChinamasa vati kana AfDB ikakanzurira Zimbabwe chikwereti chayo chemari inoita mamiroyoni mazana mashanu emadhora, mamwe masangano anokweretesa mari akaita se International Monetary Fund, IMF, neWorld Bank, WB, anogona kuzokanzurawo zvikwereti zvine Zimbabwe kumasangano aya.

Asi mutungamiri wechikwata che AfDB ichi, Va Alieu Momodou Ngum, havana kutaura kuti bhanga ravo richakanzura here chikwereti chine hurumende ye Zimbabwe kubhanga iri.

Vati bhanga ravo ragara richingobatsira Zimbabwe kunyanwe panga pakawoma zvinhu.

Chikwereti chine Zimbabwe kumasangano ekunze anokweretesa mari chava kuvavarira kusvika pamabhiriyoni gumi emadhora uye hurumende inoti homwe yayo yakabooka kuti ibhadhadhare chikwereti ichi.

Gore rapera, IMF yakaramba kukanzura chikwereti cheZimbabwe ichiti Zimbabwe haisi nyika ine hurombo hwakanyanya kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika.

Zambia ndeimwe yenyika dzinonzi dzine hurombo hwakanyanya dzakakanzurirwa zvikwereti zvadzo ne IMF.

Chikwata che AfDB chakatarisirwa kushanyira nzvimbo dzakawanda munyika pachichange chiri muno chichiwona kushandiswa kuri kuitwa mari yakaiswa nebhanga iri mumabasa epundutso kana kuti ma projects.

AfDB ndiyo yakapa kambani ye Lake Harvest mari inodarika mamiriyoni masere emadhora kusimudzira chirongwa chekuchengetwa kwehove ku Kariba chiri kushandiswa semucherechedzo wezvirongwa zvinosimudzira magariro evanhu mu Africa yese.

Chisati chabuda munyika chakananga ku Mozambique, chikwata che AfDB ichi chakatarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nemusi weChishanu.

This item is part of
XS
SM
MD
LG