Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaparura neChina bhajeti regore rinouya remabhiriyoni mazana mashanu ezviuru zvemadhora.
VaChinamasa vanoti zvikamu makumi masere nezviviri kubva muzana zvemari iyi zvichashandiswa pamihoro yevashandi vehurumende.
Vati izvi zvinoreva kuti hurumende inosara isina mari yekawanda yekushandisa kuita mamwe mabasa ayo akakosha.
Vachitura muparamende hurongwa hwavari kuda kuti hushandiswe pamari yehurumende gore rinouya, Chinamasa vati hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka uye bhajeti iri harina kunyanyosiyana nere gore rino.
Semaonero avo, VaChinamasa vati izvi zvinoreva kuti hupfumi hwenyika hausi kufamba zvakanaka.
Vati mari zhinji ichaunganidzwa nehurumende ichaenda kumihoro yevashandi vayo uye izvi zvinoreva kuti hurumende ichange ichibhadhara vashandi vanenge vasingaite basa sezvo pasina mari yekuitisa mabasa anodiwa nehurumende.
VaChinamasa vati kunze kwemari yavari kutarisira kuwana kubva kumitero, vanotarisira kuwana mari ingangosvika bhiriyoni remadhora sezvikwereti pamwe nerubatsiro runobva kune dzimwe nyika.
Vati sezvo hupfumi hwenyika husiri kufamba zvakanaka, zvakakosha kuti bhajeti ravo rironge hwaro hwekuti makambani avhure uye kuti nyika ikwanise kukwezva makambani ekunze.
Vanoti pari zvino nyika iri kutenga zvinhu zvakawanda kubva kunze kudarika zvairi kutengesa. Vatiwo zvizhinji zviri kutengwa kunze zvinogona kugadzirwa munyika.
Nekuda kwaizvovo, VaChinamasa vati makambani achange achitengesa zvinhu kunze zvakanyanya achabvisa mitero inenge iri pasi pasi.
Vatiwo kunyange hazvo vari kushanda nemabhanga ekunze akaita seInternational Monetary Fund mukugadzirisa nyaya yezvikwereti, hurumende yavewo nehwaro hwekugadzirisa nyaya iyi.
Zimbabwe ine zvikwereti zvekunze zvinosvika mabhiriyoni masere emadhora ekunze.
Vatiwo mutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema vemuno unofanira kujekeswa kuitira kuti vekunze vakwanise kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe.
VaChinamasa vanoti vanoda kutanga mabhizimisi munyika vanofanira kutaurirana nebazi rinoona nezvevechidiki nezvekupa masimba ehupfumi kuvatema kuti vajekeserwe kuti mutemo uyu unofamba sei.
Vati izvi zvakakosha sezvo makambani emunyika ari kuvhara.
Vatiwo kubva muna 2011 kusvika gore rino, makambani anodarika zviuru zvina nemazana matanhatu akavhara, ukuwo vashandi vanodarika zviuru makumi mashanu nezvishanu, vakarasikirwa nemabasa.
VaChinamasa vatiwo vashandi vanotambira mari isingadariki mazana matanhatu emadhora pamwedzi havafanirwe kubatirwa mutero kutanga gore rinouya.
VaChinamasa vatiwo hurumende iri kuda kukwidza mitero wefodya yemudzanga senzira yekuunganidza mari.
Vatiwo vari kukumbira paramende kuti idzikewo mutero kuvarimi vefodya vachiti mari ichaunganidzwa kubva pamutero uyu ichashandiswa pamabasa ekudyara miti sezvo varimi vefodya vari kutema miti apo vanenge vave kupisa fodya yavo.
VaChinamasa vati vari kudawo kuderedza mitero yehwahwa hwemumabhodhoro kana izvi zvikatambirwa neparamende.
VaChinamasa vatiwo hurumende ine hurongwa hwekupa hurumende dzematunhu mari asi yakamirira kuti patange pave nemitemo yekushanda kwehurumende dzematunhu idzi.
Vatiwo vari kuda kuisawo parutivi mamiriyoni gumi emadhora semari yekusimudzira matunhu kana kuti Constituency Development Fund. Asi vati mari iyi ichapihwa nhengo dzeparamende kana pachinge pave nemutemo wekushandiswa kwemari iyi.
VaChinamasa vatiwo hurumende ine hurongwa hwekubatsira varimi nembeu nefotireza nezvimwe senzira yekuti nyika iwane goho rakanaka.
Vatiwo hupfumi hwenyika hunotarisirwa kukura nezvikamu zvitatu nechidimbu kubva muzana gore rinouya.
Matare eHouse of Assembly ne Senate ari kutarisirwa kuzeya bhajeti raturwa naVaChinamasa oona kuti oritambira here kana kuti kwete sezvinodiwa nemitemo.