Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votumira Mari neMbozhanhare


US Taxes
US Taxes

Ongororo yemashandiro anoita mabhanga pamwe nemamwe makambani anoita nezvemari, kufambisa mari pamwe nemasangano anobata mari dzemudyandigere, inoratidza kuti vanhu vakawanda munyika vave kuchengeta kana kutumira mari nemakambani embhozhanhare sezvo vasina chivimbo nemabhanga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ongororo iyi, iyo yakaitwa nesangano reUnited Nations Capital Development Fund, Centre for Financial Regulation and Inclusion kana kuti Cenfri, yekuSouth Africa pamwe neveFinmark Trust, inoratidza kuti huwandu hwevanhu vave kushandisa mbozhanhare kuchengeta nekutumira kana kugamuchira mari hwakakura nezvikamu makumi manomwe nezviviri kubva muzana mukati memakore maviri apfuura.

Ongororo iyi inotiwo huwandu hwevanhu vari kushandisa mabhanga huri kudzikira uye kunyange vamwe vane ma acccounts kumabhanga havasi kumashandisa zvekuti mabhanga mazhinji ave parumananzombe.

Vachitsanangura zvakabuda muongororo iri, mumwe mukuru weCenfri, VaHennie Bester, vati izvi zviri kukonzerwa nekuti veruzhinji havafari nemari dzavanobhadhariswa nemabhangi uyewo nemari dzavanobatirwa kana vachinge vaisa mari dzavo mumabhanga.

Gurukota rezveamari, VaPatrick Chinamasa, vatiwo vemabhanga havasi kuda kusandura mashandiro avo kunyange havo zviri pachena kuti zvinhu zvasanduka sezvo vanhu vazhinji vasirisiri mumabasa.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi nemabhanga, VaMike Nyamazana, vatiwo mari dzinobhadhariswa nevemabhanga ndidzo dziri kuita kuti vanhu vashandise mabhanga epambozhanhare akaita seEco Cash kunyange hazvo makambani aya achivabhadharisa mari yakwanda zvikuru.

VaSimplex Manhango vaudzo Studio 7 kuti vanoshandisa mhozhanhare yavo kutumira kana kutumirwa mari nekuti izvi vanokwanisa kuzviita chero nguva uye hazvinetsi sezvinoita mabhanga.

Munyori mukuru musangano rinomirira vanotenga nekutengesera kunze kwenyika, reZimbabwe Cross Border Traders Association, VaAugustine Tawanda, vanoti kunyange hazvo vari kushandisawo mbhozhanhare chishuvo chavo ndechekushanda nemabhanga uye vari kutaurirana nawo kuti akwanise kushanda nenhengo dzesangano ravo.

Mabhanga munyika anoda kuti munhu aratidze humbowo hwekuti anoshanda kupi nekuti ane pekugara kuti avhure account zvakare haabvume kukweretesa munhu mari kana asina chibatiso chakaita semba kana midziyo yakaita semotokari nezvimwe.

Zvikamu makumi maviri nechidimbu kubva muzana zvevanhu vese munyika yese ndivo vane ma accounts kumabhanga izvo zvave kuita kuti mabhanga ashaye basa.

Ongororo iyi yakaitwa muna Chikumi gore rino nechinangwa chekubatsira vemabhanga, hurumende nevamwe vanoita zvemari kuti vatsvage nzira dzekuona kuti vese ava vanokwanisa kushandisa mabhanga vapihwa mukana sezvo zvichisimudzira hupenyu hwavo.

VaChinamasa vati chishuwo chavo ndechekuti vese vanowana mari vapihwe mukana wekuvhura ma accounts kumabhanga pamwe nekutora zvikwereti zvekuti vasimudzire mabasa avo, angave mabhizimisi, kurima kana mabasa ekutengesa.

XS
SM
MD
LG