Accessibility links

Breaking News

Madzishe Oshushikana neHupombwe Huri Kuitika kuMashonaland West


Zimbabwe-traditional-chiefs-
Zimbabwe-traditional-chiefs-

Madzishe emudunhu reMashonaland West anoti ari kushushikana zvikuru nehuwandu hwenyaya dzehupombwe dziri kuitika mudunhu iri.

Mumwe wemadzishe ane mukurumbira mudunhu iri, VaGibson Jenami, avo vanozivikanwa nerekuti Mambo Katizagombo, vanoti nyaya dzehupombwe dzidzo dziri kunyanya kuuya kudare ravo.

Mambo Katizagombo vanoti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvenyaya dzavanotonga, inyaya ndevanhu vanenge vaita zvehupombwe.

Sezvo nyaya dzakadai dziri kuwanda, Mambo Katizagombo vanoti vave kubhadharisa mari pamwe nezvipfuwo senzira yekuomesera varume vari kuputsa dzimba dzevamwe.

Mambo Katizagombo vanoti nyaya dzekushaya mabasa kwevarume ndizvo
zvezvimwe zviri kukonzera kuti madzimai akawanda aite gumbo panze, gumbo mumba, izvo zviri kupa kuti dzimba dziparare.

Ishe Wilson Nemakonde, avo vanoti dare ravo rinogara rakatonga nyaya dzakadai, vanoti vari kutofunga kuti vabhadharisewo madzimai ari kuita gumbo panze gumbo mumba, kuitira kuti vaderedze huwandu hwemhosva dzehupombwe dziri kuitika mudunhu ravo.

Mambo Nemakonde vanoti vanhu vanouya kuzochera zvicherwa mudunhu ravo ndiro vari pamberi mukubatwa nemhosva dzehupombwe.

Nyanzvi inoona nezvemagariro evanhu vachishanda neZimbabwe National
Association for Mental Health, VaIgnatious Murambidzi, vanoti tsika
nemagariro evanhu zvinogona kuvhiringwa nekusangana kwevanhu vanetsika dzakasiyana.

VaMurambidzi vanoti dzimwe nguva vanhu vanowana vanoshandisa mukana wavo kumadzimai ane varume vanoshaya, kana varume vasingakwanisi kuriritira mhuri dzavo zvakakwana.

Asi mumwe mudzimai, Amai Lucia Chirimuuta, avo vanoita basa rekuyananisa vakadzi nevarume vanenge vasingawirirane mudzimba, uye vachishanda neNational Family Planning Councill, vanoti vakadzi
havaite zvikomba nekuda mari kana kuchengetwa zvakanaka chete.

Amai Chirimuuta vanoti dzimwe nguva mukadzi anenge angodawo mumwe
murume kana kuti vanenge vachitsvaka kugutswa pabonde zvinenge
zvisingaitwe nemurume wavo mumba kunyange vasinga zvikurudzire.

Hatina kukwanisa kuwana huwandu hwevanhu vari kuramban mumatareedzimhosva dzepamusoronenyaya dzekusavimbika.

Asi nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu dzinoti zviri kuitika kuMashonaland West zvinhu zviri kuitikawo mumatunhu ose ari munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG