Accessibility links

Breaking News

Sachigaro weMDC Youth Assembly Chidziva Anorohwa neMasoja?

Sachigaro wevechidiki muMDC-T, Va Happymore Chidziva, vanoti vakarohwa zvakawomarara nemasoja neMuvhuro manheru mu Harare.
Sachigaro wevechidiki muMDC-T, Va Happymore Chidziva, vanoti vakarohwa zvakawomarara nemasoja neMuvhuro manheru mu Harare.

Sachigaro wevechidiki muMDC-T, Va Happymore Chidziva, vanoti vakarohwa zvakawomarara nemasoja neMuvhuro manheru mu Harare.

Va Chidziva vaudza Studio7 vachibva kuchipatara kwavaenda kunorapwa kuti vakazvindikitwa nemasoja mudhorobha re Harare neMuvhuro manheru mushure mekunge vamira pane rimwe garaji rinotengeswa mafuta emotokari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Chidziva vakurudzira hurumende kuti ione kuti masoja nemapurisa vachengetedza veruzhinji kwete kuti vawanikwe vari ivo vari pamperi pekutyora kodzero dzeveruzhinji.

Vaenderera mberi vachiti munyika mungangoita kusagadzikana kana masoja nemapurisa akasiiwa achishungurudza vanhu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uri vari mukuru wesangano re Zimbabwe Democracy Institute, Va Pedzisayi Ruhanya, vanoti kushungurudzwa kuri kuitwa vanhu nemasoja nemapurisa kunosvibisa zita remutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanove zvakare sachigaro weSADC pamwe ne African Union.

Va Ruhanya vanoti zvose zviri kuitika munyika izvi zvave kutoda Va Mugabe pachavo kuti vazvimise sezvo vari ivo mutungamiri wehurumende.

Mutauriri wemapurisa, Amai Chairty Charamba, vati mapurisa haasati atambira chichemo chekurohwa kwaVa Chidziva saka nokudaro havana zvavanokwanisa kutaura nezvenyaya iyi.

Kurohwa kwaVa Chidziva, avo vakakuvadzwa ziso, kunouyawo apo mutungamiri we Occupy Africa Unity Square, Va Itai Dzamara, vasiri kuwanikwa zvichitevera kupambwa kwavakaitwa nevari kufungdzirwa kuti vasori masvondo maviri adarika.

Va Dzamara nesangano ravo vari kurudzira kuti Va Mugabe vasiye basa vachiti hurumende yavo yatadza kutungamira nyika zvakanaka vachiti hurumende iyi iri kuputsira hupfumi hwenyika pasi.

Kupambwa kwaVa Dzamara, avo vakambosiya basa ravo semutori wenhau kuti varwire kodzero dzevanhu munyika, kuri kushorwa nemasangano emuno anoshanda akazvimirira pamwe nehurumende dzekunze dzinosanganisira America pamwe ne European Union.

This item is part of
XS
SM
MD
LG