Accessibility links

Breaking News

Kuurayiwa kwaCecil Shumba Kofukura Hapwa dzeHurumende


Hurumende yazivisa kuti yave kuita tsvagiridzo izere munyika yese ine chekuita nekuuraiwa kwemhuka zvisiri pamutemo zvichitevera kuurayiwa kwakaitwa shumba yainzi Cecil munharaunda yeHwange mwedzi wapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamusangano wavaita nevavhimi vemhuka mu Harare, mutungamiri webazi rinowona nezvekuchengetwdzwa kwemhuka reParks and Wildlife, Va Edison Chidziya, vati tsvangiridzo yavaita kusvika pari zvino kubva pakaurayiwa shumba yainzi Cecil, inoratidza kuti pane mhuka dzakawanda dzakaurayiwa zvisiri pamutemo uye hurumende iri mubishi kuedza kusunga vese vari kufungidzirwa kuti ndivo vakauraya mhuka idzi.

Va Chidziya vatiwo tsvagiridzo yavari kuita sehurumende yaburitsa pachena kuti vari kuvhima mhuka vazhinji vari kuvhima vasina vashandi vebazi ravo sezvinodiwa nemutemo unowona nezvekuchengetedza masangano nenhuka dzawo, we Parks and Wildlife Act.

Vati kunyange hazvo pane vari kuvhima mhuka zvisiri pamutemo, hazvireve kuti vese vane marezeresi havasi kutevedzera mutemo vachiti vamwe vevavhimi ava vari kuvhima munzvimbo dzavakatarirwa.

Vati kuurayiwa kwakaitwa Cecil naVa Walter James Palmer mwedzi wapera pamwe nukuurayiwa kunonzi kwakaitwa imwe shumba zvisiri pamutemo mupurazi raVa Headman Sibanda re Railway Farm 31 riri ku Gwayi, kwakasvibisa zita renyika.

Va Chidziya vati zvakaitika izvi zvinokanganisa kushanyirwa kwenyika pamwe nekuwisira pasi hupfumi hwenyika.

Sachigaro wesangano revavhimi re Professional Hunters and Guides Association, Va Louis Muller, avo vanga varipowo pamusangano uyu, vati sangano ravo harizoda kushanda nevanhu vasiri kutevedzera mitemo yakadzikwa nehurumende.

Kuurayiwa kwa Cecil kwakashorwa nevanhu vakawanda pasi rose uye mumwe wevakasungwa pamusana penyaya iyi, Va Theo Bronchorst, vakatarisirwa kutanga kutongwa mangwana ku Hwange pamusoro pekuuraiwa kweshumba iyi. Nekune rumwe rutivi, hurumende inoda kuti Va Palmer vakumbirwe kubva kuhurumende yeAmerica vauye kuzotongwa muno nenyaya yekuuraya shumba iyi.

Mu America makare, dzimwe nhengo dzeparamende dze Democratic Party, Va Bob Menendez, vari kukurudzira dare reparamende kuti ridzike mutemo uchange uchinzi Conserving Ecosytems by Ceasing the Importation of Large (CECIL) Animal Trophies Act kuitira kuti mhuka dzakakosha dzakachengetedzwa dzisaurayiwe.

Mutemo we Cecil Animal Trophies Act uri kutumidzwa zita iri mushure mekunze shumba yemuZimbabwe inonzi Cecil yaurayiwa.

VaMenendez vari kutsigirwa naSeneta Cory Booker, Richard Blumenthal naVa Ben Cardin, vose vari nhengo dzeDemocratic Party, rinova bato remutungamiri weAmerica, VaBarack Obama.

VaMenendez vakawana mubairo wekutsigira zvirongwa zvinobatsira mhuka gore rapera.

XS
SM
MD
LG