Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kusvika kwamvura yacheka makumbo mangwana apo Caps United iri kusangana neFC Platinum uchaona chikwata chinotora mukombe wemakwikwi aya gore rino.
Zvikwata zviviri izvi ndizvo zviri pamusoro petafura, FC iri pamusoro, ichiteverwa neCaps United.
Akaronga mitambo yemwaka uno yeCastle Lager Premier Soccer League haana kumbobvira aziva kuti ari kukanda machikichori emutambo zuva rekupera kwemwaka, mutambo uyo uchasangana zvikwata zviviri zviri kurwira kutora mukombe weligi.
Izvi ndizvo zviri mudariro muNational Sports Stadium mangwana apo FC Platinum, iyo irikutungamira makundano aya nepoindi imwe chete, iri kusangana neCaps United, iyo yakavasona zvinotyisa.
Pari zvino, FC Platinum ine mapoinzi makumi mashanu nemapfumbamwe, Caps United iine mapoinzi makumi mashanu nemasere, zvekuti chikwata chinokunda mumutambo uyu, ndicho chichaenda nemukombe mukuru uyu, mumutambo unoshevedzwa neveruzhinji kunzi winner-takes-all.
Asi zvikwata izvi zvikaita mangange, FC Platinum ndiyo inotora mukombe sezvo inoramba iri pamusoro nepoindi imwechete iyo iri kutungamira nayo.
Aka ndiko kekutanga munhoroondo yenhabvu muZimbabwe kuti zvikwata zvinenge zvakamira zvakadai zvisangane muzuva rekupedzisira remitambo zvekuti shasha kubva mushasha ndiyo ichabuda mumutambo uyu.
Muteveri wemutambo wenhabvu, Muzvare Chiyedza Chidyausiku, vanoti vanonokerwa nemutambo uyu vachiti ivo wakaoma kudoma kuti chikwata chichakunda ndechipi.
Vazhinji vatataura navo vane maonero akafanana neaMuzvare Chidyausiku vakawanda vacho vachiti ivo Caps United ingadai yakatora mukombe uyu kare kare dai isina kudonhedza mapoinzi akakosha pamitambo neHerentals neYadah.
Kunyange zvakadaro, mumwe muteveri wemaGreen Machine, VaHardship Parirewa, vanoti hapana chavari kutya sezvo vari kungotora mukombe wacho varova maMoney Bags.
Asi muteveri weFC Platinum, VaShakespear Taruza, vanoti chikwata chavo chakagadzirira zvakakwana zvekuti havasi kurova maGreen Machine chete asi kuti vachavazvindikita.
Zvikwata zviviri izvi zvine varairidzi vatsva, Darlington Dodo weCaps United, uyo akatora basa rakasiiwa naLloyd Chitembwe, naLizwe Sweswe weFC Platinum, uyo akatsiva Norman Mapeza.
Varairidzi vaviri ava vari kuda mukombe uyu kuti vapihwe basa iri zvachose.
Mitambo yeCastle Lager yemwaka uno iri kupera mangwana paine mitambo inoti:
Chicken Inn v TelOne
Triangle v Dynamos
Mushowani v Yadah
Hwange v ZPC Kariba
Harare City v Ngezi Platinum Stars
Bulawayo Chiefs v Herentals
Black Rhinos v Manic Diamonds
Asi vakawanda vakamirira kuona kuti achaenda nemukombe wemwaka uno ndiani.
Facebook Forum