Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Mhirizhonga Inogona Kutadzisa Bato Ravo Kupinda Musarudzo


Mutungamiri weMDC uye vari mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanoti bato ravo rinogona kuramba kupinda musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino kana mhirizhonga iri munyika ikaramba ichienderera mberi.

Vachitaura pakuradzikwa Christpowers Maisiri, mwana wemutevedzeri wemurongi wemisangano mu muMDC-T ku Headlands, VaShepherd Maisiri, VaTsvangirai vati havasi kufara nekupisirwa mumba kwakaitwa mwana uyu.

VaTsvangirai vati bato ravo rinogona kusapinda musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino kana mhirizhonga ikaramba ichienderera mberi.

Muna 2008, VaTsvangirai vakaramba kupinda musarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika zvichitevera kurohwa pamwe nekupondwa kwakaitwa dzimwe nhengo dzebato ravo.

VaTsvangirai vati vanhu vakaponda mwana uyu vanofanirwa kusungwa uye vati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakavaudza kuti VaDidymas Mutasa vanofanira kuvaudza kuti zvii zvakaita.

Munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, vati vane chokwadi chekuti mumwe mukuru muZanu PF ndiye akakonzeresa kufa kwemwana uyu.

Baba vemwana aradzikwa uyu, VaMaisiriri, varamba mashoko aVa Mutasa ekuti inhyengo yeZanu PF vachiti vakapinda muMDC pakavambwa bato iri muna 1999.


VaMutasa, avo vanoti vaifambidzana naVaMaisiri, vanga vasipo parufu urwu uye hapana kana nhengo yeZanu PF yanga iripo.

Zvichakadai, VaTsvangirai vakurudzira veruzhinji kuti vavhotere bumbiro idzva rakanyorwa richitungamirwa neCOPAC vachiti kodzero dzevanhu dzichange dzichiremekedzwa mubumbiro iri.

VaTsvangirai vaperekedzwa nevakuru vakauru muMDC vanosanganisira mutevedzeri wavo, Muzvare Thokozani Khupe, munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano mubato, Va Nelson Chamisa, pamwe nemutevedzeri wasachigaro webato iri, VaMorgan Komichi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG