HARARE —
Zimbabwe neBotswana dzanyorerana chibvumirano chichaita kuti mabhanga ekuBotswana ape Zimbabwe chikwereti chemamiriyoni makumi matanhatu nemana emadhora. Mari iyi ichashandiswa mukumutsiridza maindasitiri emuZimbabwe.
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rezvemari kuBotswana, VaKenneth Matambo, ndivo vasaina vakamirira hurumende dzenyika mbiri idzi.
Izvi zvinotevera tsidzo yekubatsira Zimbabwe yakaitwa neBotswana pamusangano weSouthern African Development Community wakaitwa kuSwaziland muna 2009.
Vachitaura pachiitiko ichi, VaBiti vati Zimbabwe inoda mari yakawanda chose kuitira kuti isumudzire maindasitiri ayo ange oparara nekushaya mari yemusimudzira mabasa awo.
VaBiti vati wo chirongwa ichi chichabatsira makambani emuno neekuBotswana. Vati hurumende yeZimbabwe neBotswana dzakatora matanho ekuti vemabhizimisi vasanetseka mukuwana mari iyi sezviri kuitika pane dzimwe mari dzekubatsira vemabhizinesi.
VaMatambo vati rubatsiro rwemari urwu ruchawedzera kudyidzana kweBotswana neZimbabwem munyaya dzemabhizimisi nedzimwe.
Vatiwo mabhanga achatanga kupa mari iyi kune avo vanoida kana hurumende yeZimbabwe ichinge yapa chitsidzo chekutsigira mabhanga ari muchirongwac ichi.
Zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemari iyi zvichabatsira makambani ekugazira zvinhu uye makambani emuno neekuBotswana anotarisirwa kushanda pamwe chete munyanya dzekugadzira nekutengeserana zvinhu.
Mune imwewo nyaya, bhanga guru re nyika, re Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, razivisa kuti rave kutengesa zvikamu zvaro zvese zviri mumakambani eCairns neAstra Holdings.
Izvi zvaziviswa muchiziviso chiri kuburitswa mumapepanhau nebhanga iri.
RBZ ine zvikamu makumi matanhatu nechidimbu kubva muzana muCairns nezvimwe zvikamu makumi matanhatu nechidimbu kubva muzana kuAstra Holdings.
Bhanga iri rave kutengesa makambani aya sezvo risisabvumidzwe nemitemo mitsva yakadzikwa kuita mabasa asinei nezvinangwa zvaro.