Accessibility links

Breaking News

Varimi Vatsva Vakagarira Badza Votorerwa Minda


Nyanzvi munyaya dzemitemo, kurima uye hupfumi, dziri kukakavadzana zvakanyanya pamusoro pemutongo wakapihwa nedare repamusoro svondo rapera wekuti varimi vasiri kushandisa minda yavo vanofanira kutorerwa minda yacho.

Mutongi wedare repamusoro, Justice Nicholas Mathonsi, vakapa mutongo wekuti murimi mutsva ari muzvinabhizimisi uye nhengo yeZanu-PF kwaMutare, VaFungai Chaeruka, vatorerwe munda uchiphwa murimi wechichena ainge ambotorerwa munda uyu, Amai Hearther Guild.

Mumutongo wavo, VaMathonsi vakati vanhu vakapihwa minda vanofanira kuishandisa kwete kugarira badza.

Asi gweta uye vari nhengo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti havawirirane nemutongo uyu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mukuru we reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanotiwo vanotenderana nemutongo uyu vachitarisa kuti pane vamwe vakangotora minda asi vasingaishandise.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG