Accessibility links

Breaking News

VaObama Vokurudzira Hutongi hweJechetere muAfrica


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanoti vatungamiri vemuAfrica vanofanirwa kutonga zvine jechetere uye kana nguva yavo yekutonga yakwana, vanofanirwa kuenda pamudyandigere.

Vachitaura pamusangano muEthiopia pamusangano wapindwa nasachigaro weAfrican Union Commission, Amai Nkosazana Dlamini-Zuma pamwe nemutungamiri we Ethiopia, VaObama vakurudzira vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti varemekedze bumbiro remitemo yenyika dzavo, kwete kuda kushandura zvinhu kuti varambe vachitonga.

VaObama ndivo mutungamiri weAmerica wekutanga kushanyira sangano re African Union vachiri pachigaro.

VaObama vatiwo semutungamiri weAmerica, vari kushanda zvakasimba mukuvandudza hukama hweAfrica nenyika yavo, vakati vari kufara zvikuru nemamiriro akaita zvinhu pakati peAfrica ne America.

VaObamo vaudza musangano uyu kuti vachangobva mukuvandudza mutemo we African Growth And Opportunity Act uyo uchabatsira kusimudzira hupfumi hwenyika dzemuAfrica.

VaObamba vati zvakakosha kuti nyika dzemu Africa dzipe mikana kune vechidiki sezvo vari ivo vatungamiri vemangwana.

VaObama vaenderera mberi vachiti zvakosha kuti nyika dzemuAfrica dziremekedzewo madzimai sezvo vachida kushanda nenyika dziri kuita zvirongwa zvinosimudzira vanhukadzi.

VaObama vashora zvikuru kuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera uye nekushungurudzwa nekubatwa chibaro kwemadzimai vachiti avo vanoita izvi vanofanirwa kurangwa zvakawomarara.

Vachitaura pamusoro penyaya yehuwori uho vanoti hwauraya Africa nedzimwe nyika dzinosanganisira America, VaObama vati mari dzechioko muhomwe dzingadai dziri kushandiswa mukuvaka zvipatara nezvikoro dai dzaishandiswa zvakanaka.

VaObama vatiwo zvikamu makumi masere kubva muzana zvevanhu vari kubatwa ne HIV/AIDS vasikana vechidiki.

Vati America iri kushanda nenyika gumi muAfrica dzinosanganisira Zimbabwe, mukurwisa chirwere ichi.

VaObama vati shuwiro yavo ndeyekuti vechidiki vadyidzane pasi rose vachipanana mazano ekukurudzira hupfumi hwepasi rose.

Vati vakatanga chirongwa che Young African Leaders Initiative icho chinopa vechidiki muAfrica kuenda kuAmerica gore rega rega kuitira kuti vawane hunyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemabhisimisi akasiyana siyana sezvo vechidiki vari ivo vatungamiri vemangwana vachakwanisa kuvandudza hupfumi hwenyika dzavo.

Pari zvino pane zvizvarwa zveZimbabwe zvechidiki makumi matatu zviri kuAmerica pasi pechirongwa che Mandela Washington Fellowship uye vachange vane musangano mukuru muguta re Washington svondo rinouya apo vachasangana naVa Obama.

VaObama ndivo munhu mutema wekutanga kuva mutungamiri we America.

Baba vavo, muchakabvu Barack Obama Senior, vaibva kuKenya.

VaObama vasati vaenda kuEthiopia vakashanyira Kenya uko vakaita mabiko nehama dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG