Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vakawanda Vofarira Mashoko aVaObama


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vakapeta neMuvhuro rwendo rwavo kuAfrica.

VaObama ndivo vakave mutungamiri wekutanga weAmerica kunotaura pamberi pevatungamiri venyika dzemuAfrica kumuzinda wesangano reAfrican Union muAddis Ababa ku Ethiopia.

Mashoko aVaObama kumusangano uyu akatambirwa nemufaro nevanhu vemuAfrica zvikuru pavaikurudzira vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vasarambire pazvigaro.

VaObama vakakokawo vamwe vechidiki nemadzimai kumusangano weGlobal Economic Summit apo vainge vari kuKenya.

Mumwe wemadzimai aive kumusangano weGlobal Economic Summit, Amai Virginia Sibanda, vanoti vakafara zvikuru nemashoko aVaObama apo vakataura kuEthiopia vachiti kodzero dzemadzimai dzinofanira kuremekedzwa.

Amai Sibanda vanoti zvakakosha kuti madzimai vawane rubatsiro kubva kuhurumende yeZimbabwe sezvo VaObama vakurudzira nyika dzemu Africa kuti dzisimudzire vanhukadzi.

Amai Sibanda vanoti vakafara zvikuru nemanzwi aVaObama ekuti nyika yavo ichabatsira nyika dzinokoshesa mabasa emadzimai.

Amai Sibanda vanoti vachashandisa ruzivo rwavakawana kubva kumusangano mumabasa avo muZimbabwe.

Vanotiwo vachasangana nemamwe madzimai echidiki vange vari kumusangano we Global Economic Summit kuti vazeya nzira dzekufambira mberi.

Amai Sibanda vanoti vanoshanda nevarimi vechidzimai vari kumaruva akasiyana siyana uye shuwiro yavo ndeyekuti mabhizinesi emadzimai awonekewo seakakosha uye asimbaradzwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG