Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi…Muvhuro, Gumiguru, 19, 2015


Studio 7
Studio 7

Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasi…Muvhuro, Gumiguru, 19, 2015

Vanhu vakawanda munyika vanoti vave kuomerwa nezvinhu nenyaya yekushaya chikafu ukuwo hurumende ichitenda kuti chikafu chiri kunetsa kuwana.

Nhasi Studio iri kuita hurukuro naAmai Marcellina Chikasha vebato reAfrican Democratic Party avo vanoti kushanda naamai Joyce Mujuru mumubatanidzwa wemapato kuchati netsei.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vanoti vemabhanga vanofanira kudzikisa mari yemitero pamari dzezvikwereti.

Chikwata chenhabvu chemaMighty Warriors choshura mare nekubudirira kupinda mumakwikwi eRio de Janeiro, Brazil 2016.

Muchirongwa cheLivetalk na 8:30 pm tiri kutarisa kubudirira kwechikwata che, MaMighty Warriors uye cheMawarriors mumakwikwi eCHAN.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

Misoro yeNhau, Muvhuro 19 Gumiguru, 2015
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG