Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yodadisa muChirongwa che2015 Mandela Washington Fellowship


Regina Bwanali
Regina Bwanali

Mureza weZimbabwe uri kusimudza muchirongwa che Mandela Washington Fellowship, umo zvizvarwa zvenyika zviri kuratidza ruzivo pakati pevamwe vavo vemuAfrica.

Mumwe wevari kupinda muchirongwa ichi, Muzvare Regina Bwanali, vanoti vakafadzwa nekukurudziro yakaitwa nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, neMuvhuro apo vakati nyika dzemuAfrica dzinofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhukadzi.

VaObama vakati nyika yavo inokwanisa kuziva mamiriro akaita zvinhu munyika dzemuAfrica kuburikidza bemabatirwo anoitwa vanhukadzi muAfrica.

Muzvare Bwanali vakasarudzwa senyanzvi ichamirira vamwe vavo vaive pachikoro cheUniversity of Delaware kuti vamirire vamwe vavo vari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship pahurukuro dzaitwa neChipiri muWashington.

Zvizvarwa zveZimbabwe izvi zvinotiwo zvakafadzwa nekudanwa kwazvakaita kumuzinda weZimbabwe muAmerica neMuvhuro uko vakakwanisa kuzeya nemafambiro akaita zvirongwa zvavo uye nekudya chikafu chekumusha.

Muzvare Bwanali vanoti vanotenda Mwari nekupihwa mukana kwavakaita kuti vamirire nyika machirongwa ichi uye shuwiro yavo ndeyekuti vakwanisewo kupakurira mamwe madzimai ari kumusha zvavakadzidza pasi pechirongwa ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG