Accessibility links

Breaking News

WAHA Yobatsira Madzimai Anotsemuka Munguva dzeKubatsirwa


Sangano re Women And Health Alliance International, WAHA, riri kukurudzira madzimai ane dambudziko rekutsemuka munguva dzekubatsirwa kuti vapinde pachirongwa chinobatsira pachena madzimai ane dambudziko iri.

Rubatsiro rwuchange rwuchipiphwa pachena kuchipatara cheChinhoyi Hospital svondo rinouya kutanga nemusi weChipiri svondo rinouya kusvika kupera kwemwedzi uno Nyamavhuvhu.

Vanoona nezvechirongwa ichi, MuzvarePriscilla Mabhande, vanoti pachange pane vana mazvikokota vekuvhiya vekunze kwenyika vachange vachishanda nana chiremba vemunyika.

Vanoziva madzimai anoda kupinda muchirongwa ichi vanokwanisa kufonera WAHA kuti vanyorese mazita avo. Nhare dzesangano iri dzinoti 0782 640 840.

Muzvare Mabhande vanoti vari kutarisira kubatsira madzimai anodarika makumi mana namashanu uye pachange pane chimwe chirongwa muna Gumiguru.

Muzvare Mabhande vanokurudzira madzimai vari kutarisana nedambudziko iri kuti vasatye kufonera sangano ravo kuti vawane rubatsiro.

Vaenderera mberi vachizivisa kuti vachabatsira madzimai vanobva munzvimbo dzakasiyana siyana kuitira kuti vakwanise kusvika kuChinhoyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG