Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVanomwe Vofira muNjodzi dzeMumigwagwa


Zimbabwe Police Accident
Zimbabwe Police Accident

Vanhu vanosvika gumi nevanomwe vakafa kubva Chipiri kusvika Chitatu munjodzi dzemumigwagwa kuMarondera, Mashonaland East neKuGweru kuMidlands.

Mutauriri wemapurisa Chief supritendent Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti neChipiri manheru kombi yerudzi rweToyota Hiace yakabheuka mumugwagwa weGweru-Lower ikauraya vanhu gumi nevaviri.

NeChitatu vanhu vashanu vakafawo munjodzi yakaitika munaHarare-Mutare Road. Izvi zvakatevera kubonderana kwakaita kombi, rori neimwe motokari.

Chief Supritendent Nyathi varikukurudzira vatyairi kuti vafambe zvakanaka mumigwagwa sezvo vachizogona kuguma vaita njodzi dzinopedza vanhu.

XS
SM
MD
LG