Varongi vemusangano wekunamatira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, voshushikana nemaitiro emapurisa ekuvatadzisa kuita hurongwa hwavo kuMandava Stadium neMugovera……Tine hurukuro naBishop Ancelimo Magaya pamusoro pematanho avari kutorera mapurisa….
Zimbabwe inorangarira mabasa ekusimudzira nhabvu munyika akaitwa nemutambi aive nemukurumbira, Willard Mashinkila Mahwihwi Khumalo, uyo akashaya neMugovera……
Chirwere chemoyo chotora hupenyu hwevanhu vachiri vadiki zvichikonzerwa nemabatiro avanoita hutano hwavo…. Tine hurukuro nenyanzvi munyaya dzehutano pamusoro pedambudziko iri…
Muchirongwa cheLiveTalk nhasi manheru tiri kurangarira Willard Mashinkila Mahwihwi Khumalo, uyo akashaya neMugovera