Hurumende yaumba komiti ichaona kuti Zimbabwe yabhadhara zvikwereti zvayo zvinosvika mabhiriyoni gumi emadhora.
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti komiti iyi ichange iine vakuru kubva kubazi rezvehupfumi, African Development Bank, World Bank ne International Monetary Fund, IMF.
Zimbabwe iri kuda zvimwe zvikwereti kuti igadzirise hupfumi asi hapana ari kuda kusungirira mari pagumbo rengwe sezvo kubhadhara zvikwereti izvi kuri kunetsa.
Gore rapera mukuru wezvirongwa zveIMF muZimbabwe, VaDominique Fanezzi, vakati Zimbabwe haisi kuzopihwa zvimwe zvikwereti uye hapana kutsukunyuka padanho iri.
Zvikwereti izvi zviri kuboka rinonzi Paris Club rinosanganisira Germany, France, Britain, Japan neAmerica. Kune zvikweretiwo kuIMF, African Development Bank neWorld Bank.
Nyanzvi munyaya dzezvematongwero enyika dzinoti chikwereti cheZimbabwe ndicho chimwe chikonzero chiri kutadzisa nyika kuti ibudirire.
Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti Zimbabwe ikakwanisa kubhadhara chikwereti chayo, inenge yokwanisa kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.