Dare reparamende reEuropean Union, EU, neChipiri rakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti itsvage zvakasimba kuitira kuti iwane murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vakapambwa kumba kwavo kuGlen View muna Kurume.
Nhengo dzedare reparamende dzeEU dzashora zvikuru kupambwa kwaVaDzamara uye dzakurudzira hurumende kuti itevedzere mutongo wedare repamusoro wekuti matanho ose atorwe ekutsvaga kuna VaDzamara.
Dare iri ratiwo riri kushushikana nemashoko ari kubva kune vanorwira kodzero dzevanhu munyika kuti munyika maberekera ingwe sezvo nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dzave kudzika midzi zvekare.
Kuratidza kuti hukama hweZimbabwe neEU hwave kuda kushata nenyaya iyi, dare iri rati riri kushushikana kuti sei pachibvumirano chekudyidzana kwehurumende neEU pasina kuiswa chisungo chine chekuita nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.
EU yakatanga kudyidzana neZimbabwe gore rapera mushure memakore anopfuura gumi pasina kuwirirana.
Gweta raVa Dzamara, VaCharles Kwaramba, avo vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti hapana chiri kuitwa nemapurisa mukutsvaga VaDzamara.
Mashoko aya atsinhirwa nemunin’ina waVaDzamara, VaPatson Dzamara, avo vati semhuri vari kushushikana zvakanyanya nezvakaitika.
Mutevedzeri wegurukota rezvemukati menyika, VaZiyambi Ziyambi, vanoti mapurisa ari kutsvaga VaDzamara asi humbowo dzipo pasina.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mapurisa ane maoko akasviba panyaya iyi.
Mashoko aVaTsvangirai atsinhirwawo nemumwe mukuru wesangano reCenter for Global Development muWashington, VaTodd Moss, avo vati EU yakakurumidza kumedza kutsenga ichada panyaya yekudyidzana neZimbabwe. Vati EU ingadai yakaona kuti Zimbabwe yaremekedza kodzero dzevanhu isati yatanga kuipa mari yebudiriro.
Hurumende yeAmerica nedzimwe nyika dzekumavirira nemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika zvinoti zviri kushushikanawo nenyaya yekutsakatika kwaVaDzamara.