Accessibility links

Breaking News

Australia Inopa Zimbabwe $30M Ichashandiswa Mumabasa eMvura


Hurumende yeAustralia yapa sangano re UNICEF mari inoita mamiriyoni makumi matatu emadhora iyo ichashandiswa neZimbabwe mukuwaniswa kwemvura nehutsanana mumadhorobha madiki gumi nemana.

Vachitaura pakusvitswa kwaitwa mari iyi kuhurumende ye Zimbabwe mumiriri weAustralia Agency for International Development, Amai Margaret Mckinnon, vati hurumende yavo yakazvipira mukubatsira Zimbabwe muzvirongwa zvinoyamura veruzhinji.

Gurukota rinowona nezvemvura, Va Samuel Sipepa Nkomo, vatiwo mari yavapihwa iyi pasi pechirongwa chiri kudaidzwa kuti Small Towns Water, Sanitation and Hygiene Program, kana kuti WASH, ichashanda zvakawomarara mukurwisana nezvirwere zvinokonzerwa nekushayikwa kwemvura yakachena zvakaita sekorera ne typhoid.

Gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, vatiwo vafara zvikuru kuti Australia yavapa mari iyi uye vati bazi ravo richashanda zvakasimba kuti makanzuru ose apihwa mari iyi achaishandisa zvine mwero kuti abatsire veruzhinji.

Vakafanobata chigaro chemumiriri weUNICEF muZimbabwe, Va Gianni Murzi, vatiwo kupihwa kwaitwa Zimbabwe mari iyi kuchabatsira nyika kuti izadzise zviga zvakatarwa ne United Nations kuti zvinge zvaitwa munyaya dzezvehutano kana kuti Millenium Development Goals.


Vachipindura mibvunzo yevatori venhau yekuti sei nyika dzekunze pamwe nemasangano anobatsira achiramba achiisa mari muhomwe yemasangano akaita seUNICEF asingape mari iyi kuhurumende, VaNkomo vati Zimbabwe ichiri pasi pezvirango nokudaro nyika dzinodyidzana neZimbabwe dzakati dzinongokwanisa kupa nyika mari kubudikidza nemasangano aya chete kusvikira zvirango izvi zvabviswa.

Madhorobha madiki achapihwa mari anoti Bindura, Chipinge, Chiredzi, Chivhu, Gokwe, Gwanda, Hwange, Karoi, Mutoko, Mvurwi, Plumtree, Rusape, Shurugwi neZvishavane.

Australia inoti ichange ichiburitsa mamiroyoni gumi pagore kwemakore matatu achange achigovanwa nemadhorobha aya uye mari iyi ichashandiswa mukusimudzirwa kwenyaya dzemvura pamwe nehutano zvikuru mukurwisana nekuputika kwepombi dzinofambisa tsvina yemuzvimbuzi mumadhorobha aya.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG