Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzowandisa Mudare Iri


Munyori weparamende, VaAustin Zvoma, vanoti paramende haina nzvimbo inokwana nhengo dzese dzakasarudzwa kuve mudare iri. VaZvoma vanoti izvi zvichaita kuti dzimwe nhengo dziite basa dzakamira dzisina pekugara.

Vachizivisa vatori venhau gadziriro yavaita kutanga kweparamende yechisere, VaZvoma vanoti dambudziko iri riri kudare repasi, reNational Assembly, iro raimbonzi House of Assembly uko kune nhengo mazana maviri nemakumi manonwe.
Dare iri raimbove nenhengo mazana maviri negumi.

VaZvoma vanotiwo kunyange hazvo vachitarisira kuti nhengo dzedare iri dzinouya dzese kuparamende, kashoma kuti nhengo dzese dzive mudare panguva imwe chete.

VaZvoma vanoti kudare reseneti hakuna dambudziko sezvo huwandu hwemaseneta hwakaderedzwa kubva kunhengo makumi mapfumbamwe nepfumbamwe kusvika pamakumi masere.

Munyori weparamende anotiwo kuwedzerwa kwenhengo dzeNational Assembly kuchaomesera paramende sezvo nenhengo idzi dzichida mahofisi nezvimwe.

Vatiwo vanofunga kuti kushaya pekushandira pakakwana kuchaita kuti hurumende itsvage mari yekuvaka imba yeparamende itsva kuMt Hampden.

Vati vakatoratidzwa nzvimbo ichavakwa paramende iyi asi havazivi kuti ichavakwa riini.

Zvichakadai, VaZvoma vanoti vagadzirira kutanga kweparamende yechisere uye vati vangomirira kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vataure zuva richatanga paramende iyi.

Asi vati izvi zvisati zvaitika, vachatanga ivo kugadza nhengo dzese dzeparamende idzo dzichabva dzazosarudza mutauriri weparamende, kana kuti speaker nemutevedzeri wake, pamwe nemutungamiri weseneti pamwe nevatedzeri wake musarudzo dzichatungamirwa neZimbabwe Electoral Commission.

VaMugabe vanotarisirwa kuzivisa zuva richatanga basa nhengo dzeparamende apo vachagadzwa svondo rino nemusi weChina.
XS
SM
MD
LG