Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Achaitwa Mutungamiri weZifa Mutsva?


ZIFA HOUSE
ZIFA HOUSE

Nyika inenge yoziva neMugovera kuti ndiyani mutungamiri mutsva weZifa achatora chinzvimbo chakasiiwa naVaCuthbert Dube, avo vakamiswa basa iri muna Gunyana vachipomerwa huori nekutadza kufambisa nhabvu zvakanaka muZimbabwe.

Yanga iri mwedzi mitatu yakaoma yakutsvaga rutsigiro yanga ichiitwa naVaLesley Gwindi, VaTrevor Carelse-Juul, VaJames Takavada pamwe naVaPhillip Chiyangwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi neMugovera mumwe wavo achange achinyemwerera mushure mekunge asarudzwa semutungamiri wenhabvu muZimbabwe.

Varume vana ava vanga vachivimbisa zvakawanda asi zvave kune veZifa Council kuti vasarudze wavanofunga kuti ndiye akavapa hurongwa hunogutsa.

Veruzhinji vane pfungwa dzakasiyana siyana kuti wavanoda kuti atungamire Zifa ndiyani.

Vaimbove muridzi wepembe, VaSam Hamandawana, vanoti ivo veZifa Council vasaite chadzimira vachiti ivo panguva ino pari kudiwa munhu akambopinda munhandare kukava chikumba chacho, uye anoziva mafambisirwo enyaya dzenhabvu.

Pane vari kukwikwidza pane vanamuzvinabhizimisi vaviri, , VaChiyangwa naVaCarelse Juul, vaimbova mutungamiri wezvikwata VaGwindi nevakambotamba nhabvu yepamusoro soro munyika nekumboita Soccer Star of the Year, VaTakavada.

Nhengo yemaWarriors Fan Club, VaStanford Makwiro, vanoti pachinzvimbo ichi hapasi kudiwa munhu ane mari kana anoti anoisa mari musangano, sezvo vakawanda vakaita saVaDube vakapinda vachishandisa mari, asi vakakundikana kusimudzira nhabvu.

Muongorori wenhabvu, VaAndrew Rwodzi, vanoti pasvikwa ikozvino pakaoma zvikuru vachiti semaonero avo varume ava vari kupinda musarudzo iyi pasina ari kutungamiri.

Kunyange hazvo vatsigiri venhabvu vaine vavari kutarisa kuti ndivo vanofanira kusarudzwa, havana mavhoti musarudzo iyi, sezvo basa iri riri mumaoko emakanzura eZifa ayo anosvika makumi mashanu nemasere.

Aimbove murairidzi wemaWarriors, Misheck Chidzambwa, anoti veZifa Council ava vanofanira kumbokanda pasi zvechioko muhomwe vasarudze munhu anoziva zvenhabvu.

Kunze kwesarudzo yemutungamiri weZifa kuchasarudzwa zvekare mutevedzeri wake, chigaro icho chiri kukwikwidzava VaOmerga Sibanda naVaLincoln Mutasa.

Vamwe vanhu gumi vanosanganisira vaimbove muridzi wepembe akaita mukurumbira, VaWilfred Mukuna naEdzai Kasinauyo, uyo akambotambira maWarriors, vari kukwidza zvigaro zvina zvekuve muZifa board.

XS
SM
MD
LG