Accessibility links

ZESN Inoti Munyika Munofanirwa Kuitwa Sarudzo Dzakachena

  • Jonga Kandemiiri

Sangano rinorwira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena, reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, rinoti vana veZimbabwe vakawanda vanoti vanoda kuti munyika muve nehurumende yakasarudzwa nevanhu kuburikidza nesarudzo dzakachena, senzira yekupedza nayo matambudziko aripo pari zvino, ayo atadza kupedzwa nehurumende yemubatanidzwa.

Izvi zvakabuda mugwaro reongororo yakaitwa nesangano iri mumatunhu ose emunyika rinonzi “ZESN Consolidated Ballot Update 2011, An Analysis of 2011”, iyo inoratidzawo kuti pane kusadhonzera pamwe muhurumende, uko kuri kuita kuti zvinhu zvirambe zvisingafambire mberi zvakanaka.

ZESN inoti yakaisa vashandi vayo mazana maviri negumi mumatunhu ose munyika kuitira kuti vaone zviri kuitika munyaya dzezvematongerwo enyika.

ZESN inogara yakaita tsvagiridzo dzakadai senzira yekuti igare ichiziva mafungiro evanhu munyaya dzesarudzo.

Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vaudza Studio7 kuti ongororo yavakaita iyi ichabatsira kuti munyika musaitwe mhirizhonga munguva yesarudzo.

XS
SM
MD
LG