Accessibility links

Breaking News

ZESA Inomisa Vashandi Vayo Basa Nyaya Ichiri kuMatare


Kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Supply Authority Holdings, ZESA, svondo rapera yakambomisa basa vashandi vayo zana nemakumi matatu ane vashanu.

Vashandi vakambomiswa basa vanosanganisira mutungamiri wesangano revashandi veZESA, reZimbabwe Energy Workers Wnion (ZEWU), Amai Angeline Chitambo nevamwe vatungamiri vaviri, zvichitevera kusawirirana panyaya dzemihoro.

Muna Ndira wegore rino, ZESA yakanyorerana nevashandi vayo chibvumirano chekuwedzera vashandi vayo mari dzemihoro. Asi kambani iyi yakazoti haichakwanisi kuzadzisa chibvumirano ichi sezvo isina mari.

Vashandi veZESA vakazivisa vakazivisa masvondo apfuura kuti vachadzima magetsi kana vakasawedzerwa mari dzavo, izvo zvakanzi nemuchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, zvakafanana nekupandukira hurumende.

Vashandi vari kuda kuti mushandi anotambira mari iri pasi pasi, awedzerwe mari yaanotambira kubva pamadhora zana nemakumi mapfumbamwe nemadhora matanhatu pamwedzi kuenda pamazana maviri nemakumi manomwe nemadhora mashanu pamwedzi.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZESA, VaFullard Gwasira, kuti tinzwe divi rekambani yavo.

Asi munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revashandi veZESA, VaJoseph Charlie, vanoti kumiswa basa kwevamwe vashandi ava inzira yekuda kutyisidzira vashandi. Vatiwo izvi hazvisi kuzovadzosera kumashure.

Munyori mukuru wesangano revarairidzi, VaRaymond Majongwe, vatiwo sangano ravo rinomira nevashandi vakamiswa basa neZESA sezvo kurwadziswa kwemushandi mumwechete kuri kurwadzisa vashandi vose.

XS
SM
MD
LG