Accessibility links

Breaking News

Zesa Inokanzura Huronga hweKutenga Mamita eMagetsi


Zesa inoti yava kuendesa mberi hurongwa hwayo hwekuisa mamita anoita kuti vanhu vangotenga magetsi avanenge vachida kushandisa, kana kuti pre-paid, sezvo yakakanzura hurongwa hwekutenga mamita aya.

Vachitaura neMuvhuro pamberi pekomiti yezvemhando dzemoto, munyori mubazi rezvemhando dzemoto, VaJustin Mupamhanga, vakati kambani yaida kutengesera Zesa mamita aya yakazoshandura pfungwa yoti yaive yave kuda kurendesa mamita aya kuZesa, kwete kuitengesera.

Vakatiwo danho iri raizoitawo kuti mutengo wemagetsi kuvanhu udhure zvakanyanya.

VaMupamhanga vakati Zesa yave kudzokera zvakare kuState Procurement Board kuti ivabvumidze kuenderera mberi nehurongwa hwekutsvaga imwe kambani inokwanisa kutengesa mamita aya.

Muna Gunyana, State Procurement Board yakakanzurawo hurongwa hwekutengwa kwemabharubhu emagetsi anodarika mamiriyoni mashanu, ichiti makambani ose akanga ati anokwanisa kutengesera Zesa akatadza kuzadzisa zvaidiwa.

Veruzhinji vanga vachitarisira kuti matanho aya aizorerutsa matambudziko ekushaikwa kwemagetsi munyika.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto, VaMoses Mare, vaudza Studio 7 kuti sekomiti havasi kufadzwa nemamiriro akaita zvinhu muZesa.

XS
SM
MD
LG