Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Iri Kugadzirira Sarudzo Kunyange Isingazivi Padzichaitwa


Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, VaSimpson Mutambanengwe, vanoti sangano ravo riri kugadzirira sarudzo kuitira kuti padzinge dzoitwa, ringe rakagadzirira.

VaMutambanenge vanoti kunyange hazvo vari kugadzirira sarudzo, havazivi kuti dzichaitwa riini, asi sangano ravo rinofanirwa kugara rakagadzirira. Mashoko aVaMutambanengwe anopikisana nemashoko aburitswa muHerald ekuti sangano iri riri kugadzirira sarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Bepanhau reHerald rinoti ZEC yatotanga kugadzirira zvakasimba hurongwa hwekuti sarudzo dziitwe gore rinouya mushure mekunge referendamu yaitwa.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, ZEC inoti yatotanga hurongwa hwekukurudzira vanhu kuti vavhote, kutenga motokari dzekufambisa, macomputer nekudzidzisa vanhu vayo basa rekuita sarudzo.

Kunyange hazvo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vasina kunge vaisa parutivi mari yesarudzo, vane ruzivo nezviri kuitika vanoti sangano reUnited Nations Development Programme nemamwe masangano anobatsira, vakapa ZEC mari yekutenga zvinhu kusanganisa mizinda miviri muHarare nemuBulawayo.

Asi VaMutambanengwe vanoti pachine zvakawanda zviri kuda kuitwa uye vachiti vakaendesa zvikumbiro zvavo kuhofisi yegurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaChinamasa.

Zanu-PF yakabuda nechisungo pamusangano wayo wepagore chekuti sarudzo dziitwe gore rinouya.

MDC-T inoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa kana hwaro hwakajeka hwesarudzo hwaitwa sezvakabvumiranwa mu Global Political Agreement. Asi Zanu-PF inoti sarudzo dzichaitwa chete kunyange hwaro hwesarudzo husati hwapera.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda nesangano reZimbabwe Lawyers For Human Rights, VaJeremiah Bamu vanoti pachine zvakawanda zvinoda kuitwa kuti sarudzo dziitwe pasina mutauro.

XS
SM
MD
LG