Komisheni inoona nezvesarudzo munyika, ye Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, inonzi haisati yagadzirira zvakakwana kuti nyika itambire hurongwa hwekuvhotera panzvimbo dzavakanyoresera, sezvave kudiwa nebumbiro remitemo yenyika idzva.
Izvi zvinonzi zvabuda pamusangano wadaidzirwa ne ZEC muHarare wekuongorora mafambiro akaita chirongwa chekutanga chekuti vanhu vavhotere panzvimbo dzekuvhotera dzavakanyosera kuvhota chakaparurwa kuMarondera Central pakaitwa sarudzo dze by-election masvondo mashoma apfuura.
Musangano uyu unonzi wapindwa nemapato ezvematongerwo enyika ose kunze kwebato reZanu PF.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vakuru veZEC vazivisa kuti zvekushandisa chaizvo zvinosanganisira makombiyuta nedzimotokari zvakashandiswa kuMarondera Central zvakatokumbirwa kubva kune mamwe mapazi ehurumende.
Hurongwa hwekuvhota hutsva uhwu hwunotsviva hwaivepo kare hwekuti munhu aigona kuvhotera chero pa polling station ipi zvayo mudunhu raanenge akanyoresera kuvhota.
Asi iye zvino munhu ave kutarisirwa kunovhotera pa polling station paakanyoresa kuti anovhotera.
VaGutu vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinotyirawo zvakare kuti hurongwa uhwu hwunoyanika pachena nhengo dzemapato anopikisa munharaunda dzavanenge vavhotera.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, pamwewo nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo.