Munyori wezveminda muZanu PF kuMashonaland West, VaTemba Mliswa, vanoti chirongwa chekuongororwa kweminda, kana kuti Land Audit, chinofanirwa kumiswa kusvika zvirango zvakatemerwa vakuru vebato ravo zvabviswa.
VaMliswa vanoti kubvumidza chirongwa ichi, kunenge kuri kutorera vanhu vatema masimba ehupfumi, sezvo izvi zvichizodzosera kumashure hurongwa hwekupa ivhu kuvanhu.
Bato reZanu PF rakasungawo paCongress yaro kuti hapafanirwi kudzokera kumashure panyaya dzevhu, rikapomerawo bato reMDC nenyika dzekumawirira mhosva yekuda kudzorera kumashure chirongwa chekupa vanhu minda kuburikidza nekuongororwa kwenyaya dzeminda.
VaMliswa vaudza Studio7 kuti chirongwa chekuongorora minda hachibatsiri kana varimi vasiri kuwana zvinodiwa pakurima.
Asi bato reMDC inotungmirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti mashoko aVaMliswa mashoko anosiririsa, sezvo vasiri kutaurira vanhu chokwadi pamusoro pechirongwa cheLand Audit.
Munyori wezvekurima muMDC, Doctor Vincent Gwaradzimba, vanoti chirongwa ichi chakanangana nekuongorora kuti minda iri kushandiswa nemazvo here, zvisineyi nekuti ndiani ari kurima, uye kuti ndiyani akaita mbayo pakukumba minda, kwete kuda kudzosera ivhu kuvachena.