Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Makakatanwa Anogona Kuitsemura


Nhengo dzebato reZanu PF mudunhu reManicaland dzaswera dzakaungana pamuzinda wadzo uri muguta reMutare apo dziri kuti hadzisi kuzobva pamuzinda apa kusvikira hutungamiriri hweZanu PF mudunhu iri, uhwo huri pasi paVaMike Madiro, hwasiya basa.

Vatsigiri veZanu PF vakaenda pamuzinda uyu neSvondo vachiti havasi kufarira kuiswa zvine chisimba kwevamwe vanhu musarudzo dzeDistrict Coordinating Committee, DCC.

Kudunhu reMakoni kuManicaland kwakare, nhengo dzeZanu PF dzinonzi dziri kupomera munyori anoona nezvekufambiswa kwebasa mubato iri, VaDydmus Mutasa, mhosva yekuisa vatungamiri vasina kusarudzwa nevanhu.

Zvinonzi vakuru-vakuru mubato iri vari kuisa vanhu vavo muzvigaro zveDCC kuitira kuti vasazorasiswa kana sarudzo dzemubato iri dzekutsvagavachirimirira musarudzo dzichinge dzoitwa.

Kunyunyuta kuri kuita nhengo dzebato reZanu PF kwaMutare kunonzi ndiko kuri kuitikawo mumatunhu akawanda munyika umo muri kuitwa hurongwa hwekuumbwa patsva kwebato iri.

KuBulawayo nhengo dzeZanu PF dzinonzi dzakaramba hutungamiri hwaVaIsaac Dakamela mushure mekunge vapomerwa mhosva yekusafambisa zvinhu zvakanaka.

KuMidlands, sarudzo dzekuumba bato patsva muZvishavane neGweru dzinonzi dzakaraswa nenyaya yekuiswa kwehutungamiri husina kusarudzwa nevanhu.

Bepanhau reThe Standard rinoti imwe nhengo yeCentral Committee yeZanu PF mudunhu reMIdlands, VaVictor Matemadanda, vakatokumbira mukuru wemauto, General Constantine Chiwenga, kuti vabvise mauto mudunhu iri, sezvo ari kunzi ari kupindira munyaya dzemusangano weZanu PF.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti vachazotaura chete nezvenyaya iyi kana Politiburo yebato ravo ichinge yatanga yaizeya.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru anoona nezvegwara rebato mu MDC-T, VaCharles Mangongera, vanotiwo kana Zanu PF ikasabata nyaya iyi zvakanaka, inogona kuvhiringidza bato iri musarudzo.

XS
SM
MD
LG