Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Zvonetsana paNyaya yeZvirango neMagavhuna


Jacob Zuma
Jacob Zuma

Muhurumende maita ropa rakaipa kunyange hazvo SADC iri kuti vatungamiri vemapato ari muhurumende vakatenderana kupedza misariridzwa iri kunetsa muhurumende mukati memwedzi mumwe chete.

Izvi zviri mugwaro rakaturwa kuSADC nemutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma vekuSouth Africa, rikatambirwa nevatungamiri venyika dzemuSADC.

NeChina, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vanotungamira Zanu-PF munhaurirano, vakati magavhuna eMDC emumatunhu achagadzwa chete kana zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo zvabviswa.

VaChinamasa vanoti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, havana zvavari kuita kuti zvirango izvi zvibviswe. Asi MDC yati hainei nenyaya yezvirango zvakatemerwa Zanu-PF nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.

VaTsvangirai vakatotumira tsamba kunhumwa yaVaZuma, VaMac Maharaj, vachiti nyaya yemagavhuna haifanirwe kubatanidzwa neyezvirango. Imwe nhumwa yaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti vachapinda muZimbabwe mumazuva mashoma anotevera kuzona kana zvakabvumiranwa zvazadzikiswa.

VaTrevour Maisiri inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaMaisiri vanoti kuda kubatanidza nyaya yezvirango nemagavhuna kuda kupedzera vanhu nguva.

VaTsvangirai vari kunetsana naVaMugabe pazvinhu zvakawanda, izvo zviri kupa kuti nyika dzinoda kubatsira Zimbabwe, dzirambe dzakasunga homwe dzadzo.

XS
SM
MD
LG