Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Zvokandirana Makobvu neMatete


Mudare remakurukota neChipiri mange muchikandiranwa makobvu nematete apo gurukota rezvevechidiki, VaSavior Kasukuwere, vayedza kuunza bhiri rekuti chirongwa cheNational Youth Service chitangezve.

Chirongwa ichi chakatangwa muna 2001 asi chikazomiswa muna 2007. Makurukota eMDC anonzi ange achidya magaka mambishi vachiti chirongwa ichi chaishandiswa mukuponda vatsigiri veMDC. Asi veZanu-PF vange vachiti chirongwa ichi ngachiparurwe zvekare.

VaKasukuwere varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti havataure nyaya dzedare remakurukota.

Mukuru wesangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSydney Chisi, vanoti dare remakurukota raita zvakanaka kurasa chikumbiro chaVakasukuwere.

Zvichakadaro, vari kutungamira nhaurirano muhurumende vari kutarisirwa kupa gwaro ravakabuda naro kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Gwaro iri rinoratidza kuti hazvikwanisike kuti sarudzo dziitwe gore rino kana mukutanga kwegore rinouya sezviri kudiwa neZanu-PF.


Vari kutungamira nhaurirano idzi, VaPatrick Chinamasa, veZanu-PF, VaTendai Biti veMDC-T, pamwe naAmai Priscilla Misihairambwi-Mushopnga veMDC-N, vanoti chingava chishamiso kuti sarudzo dziitwe gore rino.

Vari kuziva zviri kuitika vanoti pane zvinhuwo zvakawanda zvinonzi zvichiri kunetsa. Vari munhaurirano vakatenderana kuti komiti yeparamende yeCOPAC iri kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva, ive iyo chete inotaura nezvenguva ingapedzwe kunyorwa bumbiro idzva.

Munhaurirano idzi hapana kuwirirana panyaya yekuvandudza mabasa ezvekudzivirirwa kenyika, kana kuti security sector reform.

Asi nyaya dzakatenderanwa dzinosanganisa kunyora gwaro idzva revavhoti uye kutara nguva yekuti vanhu vadzidziswe nezvekuvhota.

Pakatenderanwawo kuti mukati memazuva zana nemakumi maviri pange pavandudzwa mutemo weCriminal Codification and Reform Act kuti pabviswe chikamu chinonzi chiri kushandiswa nemapurisa kusunga vanhu vanenge vanzi nematare vabviswe mutirongo.

XS
SM
MD
LG