Accessibility links

Zanu PF neMDC-T Dzonetsana Zvichitevera Mhirizhonga Muparamende

  • Jonga Kandemiiri

Pava nekusawirirana mukomiti yeparamende inoona nezvemitemo, pamusoro pemhirizhonga yakaitika masvondo maviri apfuura mudare reparamende, apo paizeyiwa bhiri reZimbabwe Human Rights Commission. Vamwe vari mukomiti iyi vari kukurudzira kuti vakakonzera mhirizhonga iyi vasungwe.

Nhengo dzeZanu PF ndidzo dziri kupomerwa mhosva yekuvhiringidza musangano uyu muparamende.

Sachigaro wekomiti yezvemitemo, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti vari kunyora gwaro rezvakaitika iro vachasvitsa kudare reparamende.

Asi nhengo dzeZanu PF dziri mukomiti iyi dzanotiwo dziri kunyorawo gwaro radzo rezvadzinoti zvakatora nzvimbo, iro dzichasvitsawo kuparamende.

Asi mukokeri wenhengo dzeZanu PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti vakakonzera mhirizhonga padare reparamende hadzisi nhengo dzeZanuPF, uye komiti iyi yakanga isingafanirwi kuitira musangano wakadaro paparamende.

XS
SM
MD
LG