Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Hurumende yeMubatanidzwa Inopera Muna Kukadzi


Mutungamiri wenyika, varizve mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kuguma muna Kukadzi gore rinouya.

Vachitaura pamusoro pezvisungo zvakabuda nebato ravo kumusangano waro wepagore wakaitwa kwaMutare, VaMugabe vanoti munyika munofanirwa kuitwa sarudzo gore rinoya nekuti hurumende yemubatanidzwa haisi kushanda zvakanaka, sezvo paine kudhonzerana kusina kunaka.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika dzinoti nyika inogona kuendazve kumawere nenyaya yemhirizhonga kana zvinhu zvisina kugadziriswa zvakanaka kuitira kuti munyika muitwe sarudzo murunyararo.

SADC inoti panofanirwa kuve paine gwara resarudzo rakajeka.

Kunetsana kuri muhurumende pakati pemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, naVaMugabe, kwatadzwa kugadziriswa neSADC iyo yakadoma mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, kuti vave muyananisi pagakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe.

VaTsvangirai vanoti VaMugabe vari kuita zvehumbimbindoga pakuita zvinhu muhurumende vachityora chibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA. VaMUgabe vakadoma magavhuna ematunhu, pamwe nevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika vasina kugara pasi nevamwe vavo muhurumende.

Svondo rapera, hutungamiri hweMDC hwakabuda nechisungo chekuti kana munyika muchiitwa sarudzo, dzinofanirwa kunge dziri dzemutungamiri wenyika chete, nokuti ndidzo chete dzakaita mutauro muna 2008.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo vanoti havasi kuzodzokera kumashure panyaya yesarudzo kunyange hazvo vamwe vavo vari kugunun'una.

Ukuwo mutauriri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti zviri kuda kuitwa neZanu-PF hazvina maturo uye havasi kuzopinda musarudzo kana zvinhu zvisina kutanga zvagadziriswa.

Mutauriri weMDC-M, VaEdwin Mushoriwa, vanotiwo VaMugabe havana simba rekungoti hurumende yasvika kumagumo uye vanofanira kuzadzikisa zviri muchibvumirano cheGPA.

VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara vaita musangano wechimbi chimbi wekuzeya zviri kuitika muhurumende vatatu ava vakaudza vatori venhau kuti zvinhu zviri kufambira mberi muhurumende. Hapana zvakawanda zvaburitswa pemusoro penhau dzakurukurwa,

XS
SM
MD
LG