Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoita VaPatel Gamba reNyika Nyaya yeWikiLeaks Ikasazeyiwa


Politburo yeZanu-PF neChitatu yakapa mushakabvu Khantibai Patel ruremekedzo rwegamba renyika. VaPatel vakashaya neMugovera kuSouth Africa mushure mekudonha kumba kwavo muHarare.

Mutauriri we Zanu-PF, VaRugare Gumbo, vati VaPatel munhu akashanda zvikuru kubva muhondo yechimurenga uye vakashandira nyika zvakasimba mushure mekunge nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Zvichitevera ruremekedzo rwegamba renyika rwapihwa VaPatel, sachigaro ve Zanu-PF mupurovhinzi yeHarare, VaAmos Midzi, vati vachambotaura nevemhuri yekwaPatel kuti mufi angavigwe here kumarinda anovigwa magamba enyika kuHeroes Acre. Izvi zvinotevera
kupiswa kwaitwa mutumbi waVaPatel neChitatu kusara wave dota chete sezvinodiwa netsika yerudzi rwavo rwechiHindu.

Mutumbi waVaPatel wapisirwa pamarinda ePioneer Cemetery apo vehukama pamwe nenhengo dzePolitburo dzinoti VaGumbo, VaSydney Sekeramayi pamwe naVaDidymus Mutasa dzange dziripo.

VaGumbo vati bato ravo harina kuzeya nyeya yezviri kubuda muWikiLeaks sezvanga zvakatarisirwa vachiti nyaya iyi yanga isiri pahurongwa hwekuzeyewa neChitatu.

Asi vane ruzivo nezvaitika muPolitburo vanoti papera musangano wePolitburo uyu, VaMugabe vasara vachitaura nenhengo dze Politburo dzose dzakadomwa muma WikiLeaks pamuzinda webato ravo.

Nhengo idzi dzinosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, gurukota rezvevechidiki, VaSaviour Kasukuwere pamwe nemumiriri weTsholotsho muparamende VaJonathan Moyo.

XS
SM
MD
LG