Accessibility links

Breaking News

MDC-T neZanu PF Dzoramba Dzakanetsana paNyaya yeBumbiro Idzva


Musangano wemasachigaro ekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo idzva yeCOPAC, uyo wanga wakatarisirwa kuitwa muHarare unonzi hauna kuzobudirira nekuda kwerufu rwaSimangaliso Chikadaya weMDC-T, uyo avigwa kuHwedza, pamwe nemutongi wedare reHigh Court, VaTedius Karwi, avo vavigwa kupurazi ravo kuChegutu.

Ukuwo, bato reZanu PF rinonzi rakakumbira imwe nguva yekuti rimboongorora gwaro rekutanga rebumbiro iri, draft constitution, rakasvitswa kumapato ezvematongerwo enyika.

Pane mashoko anotiwo Zanu PF yakasunga kuti imbomira kuve nechekuita nekunyorwa kwebumbiro idzva iri, kusvika kusawirirana kunonzi kuri mubato iri pamusoro pebumbiro idzva iri kwagadziriswa.

Vamwe muZanu PF vanonzi vari kushora vari kumirira bato iri muCOPAC uye vari mumwe wemasachigaro, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vachiti vari kungobvuma zvinenge zvataurwa nemapato eMDC ari maviri.

Hatina kukwanisa kubata VaMangwana kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi, asi mutauriri weZanu PF VaRugare Gumbo vaudza Studio 7 kuti havana ruzivo nezvenyaya iyi.

Asi neMuvhuro VaMangwana vakaudza Studio7 kuti havakurukure zvemukati mebato ravo nevemasangano enhau.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora veMDC-T, vanoti danho reZanu PF rekukumbira zvakare nguva yekuongorora bumbiro idzva richanonotsa zvakanyanya kupetwa kwechirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.

XS
SM
MD
LG