Accessibility links

Breaking News

Vakawanda kuMashonaland West Vanoti Zanu PF Yaparara


VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe

Vanhu vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti kunetsana kuri kuitika mubato riri kutonga reZanu PF kuchaita kuti risave nesimba musarudzo dzichauya.

Asi vamwe vanoti izvi zvachaita kuti risimbe sezviri kuonekwa nekukunda musarudzo dzema by elections dzakaitika munzvimbo dzakawanda munyika.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato reZanu PF zvichitevera kupinda mune zvematongerwo enyikwa kwakaitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mubato iri mune kurwisana kukuru pakati penhengo dzaro idzo dziri kuda kuzotora chigaro chemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, kana mukana wacho wavapo.

Kurwisana uku kwakatanga gore rapera zvichitevera misangano yakaitwa Amai Mugabe avo vakafamba nyika yose vachinyomba dzimwe nhengo dzakaita sevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nevamwe.

Izvi zvakakonzera kuti nhengo dzakawanda dzidzingwe mubato reZanu PF mumatunhu ose munyika.

Kunyange hazvo Amai Mujuru nevamwe vakaita sevaimbove mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vaimbove makurukota ehurumende VaDidymus Mutasa, VaWebster Shamu naVa Slyvester Nguni, vakatosvorwa nechamupupuri chiri mubato iri, kurwisana kuri kuramba kuchienderera mberi mubato iri.

Vakawanda vanoti kurwisana uku nekudzingana mubato kuchaita kuti Zanu PF ishaye samba musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa muna 2018.

Munyori webepa nhau reMirror mudunhu reMashonaland West, VaDennis Kagonye, vanoti kurwisana kuri kuita nhengo dzeZanu PF kuchaita kuti ishaye simba sezvo kurwisana uku kwatekeshera nyika yose.

VaKagonye vanoti izvi zvasiyana nekare apo kurwisana kwainge kuri kwedunhu rimwe chete zvikuru sei reMasvingo.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaTapiwa Neshambe, vanoti kudzingana kuri kuitika mubato reZanu Pf imviro mviro dzekuparara kwebato iri.

VaNeshambe vanoti VaMugabe ndivo chete vakabata musangano zvekuti vakabva pachigaro nenzira ipi zvayo, ndipo panoparara bato reZanu PF.

Izvi zvinotsigirwa nemugari wekuBanket, VaBlessed Katyamaenza, avo vanoti kunetsana kuri muZanu PF uko kwatapurira kune avo vaimbove varwiri verusununguko, kuchasiya bato iri riri,parumananzombe.

Asi VaWillie Nyambe, avo vaimbove nhengo yeZanu PF vasati vave nhengo yeMDC-T mugore ra2000, vanoti vanhu vasafunge kuti Zanu PF yaparara nekuti ichabuda munyonganyonga iyi yave nehuturu hwakaipa.

VaNyambe vanotsigirwa naVaPeter Liwanda avo vanoti zviri kuitika muZanu PF ndezvechinguva chidiki asi hazviparadze bato iri nekuti simba rese muZanu PF riri pamutungamiri waro, VaMugabe.

VaKagonye vanoti kukunda kuri kuita Zanu PF muma by-elections inyaya yekuti haisi kukwikwidzana nemapato makuru akaita seMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti Zanu PF yakaparara kare asi inoshandisa vari muchiuto, vasori nemapurisa kuti irambe yakamira semuzamba.

XS
SM
MD
LG