Accessibility links

Breaking News

VaXi Jinping Vanopedza Rwendo Rwavo kuZimbabwe


Mutungamiri wenyika yeChina, VaXi Jinping, vapedza rwendo rwavo rwemazuva maviri muZimbabwe mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti rwendo urwu rwasimbaradza hushamwari pakati penyika mbiri dzi zvikuru sei munyaya dzehupfumi.

Mutungamiri wenyika yeChina, VaXi Jinping, vapedza rwendo rwavo rwemazuva maviri muZimbabwe mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti rwendo urwu rwasimbaradza hushamwari pakati penyika mbiri dzi zvikuru sei munyaya dzehupfumi.

VaXi vasimuka muHarare vakananga kuJohannesburg South Africa uko vari kunopinda mumusangano weAfrica-China Co-operation.

VaMugabe vanotarisirwawo kupinda mumusangano wekuSouth Africa uyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaXi vanga vari muZimbabwe kwemazuva maviri akaona zvibvumirano zvakawanda zvichinyoreranwa pakati peZimbabwe ne China.

Zvimwe zvezvirongwa zvakasainwa zvinosanganisira chirongwa chebhiriyoni nechidimbu chemadhora chekuvandudza gwenya remagetsi rekuHwange, chirongwa chemadhora makumi mapfumbamwe nemasere chekuvandudza kambani yenhare yehurumende, yeTelone, pamwe nechibvumirano chekupa rubatsiro rwekuchengeta mhuka dzemusangano.

Zvimwe zvibvumirano ndezvekuvakwa kweparamende itsva, kuvakwa kwemuzinda wekuchengeterwa mishonga, kudyidzana munyaya dzekufamba kwendenge, chirongwa chekudyidzana munyaya dzepfumi pamwe nechirongwa chegwenya remagetsi ezuva nezvimwe.

Vachitaura pamabiko avakaitira VaJinping, kuState House nChipiri manheru, VaMugabe vakati zvinofadza kuti zvimwe zvirongwa zvavakaita neChina zvave kutoitwa.

Vakati China iri kutsigira zvirongwa zvakawanda munyika uye nezuro chaiko yakasaina zvibvumirano zveku tsigira zvimwe zvirongwa zvakawanda chose zvichasimudzira hupfumi.

VaMugabe vakati vanofara chose kuti China yakaramba yakamira neZimbabwe apo Zimbabwe yainge yakatemerwa zvirango zvehupfumi. Vakatiwo vanofara chose kuti hushamwari hwenyika mbiri idzi huri kuramba huchikura uye pari zvino hwave kuenda kunyaya dzehupfumi.

VaXi vakati China neZimbabwe dzinofanira kuti hushamwari hwadzo huenderere mberi huchibatsira zvizvarwa zvenyika mbiri idzi.

Mukuru werimwe sangano revanomirira vemabhizimisi, reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaDavison Norupiri, vanoti itariro yavo yekuti rwendo rwaVaXI ruchazarura mikana yevemabhizimisi vemuno nevekuChina.

China yakapa zvikwereti Zimbabwe zvinokosha mamiriyoni akawanda emadhora uyewo pane makambani anobva kunyika iyi ave kutoshanda muZimbabwe munyaya dzakasiyana siyana dzakaita semurima pamwe nekuchera mangoda negoridhe.

Pari zvino China iri kutsigira zvirongwa zvebudiriro nemari yakawanda kudarika nyika zhinji.

Pabhajeti regore rinouya nyika dzekumavirira dziri kubatsira Zimbabwe nezana nemakumi masere emamiriyoni emadhora gore rese.

XS
SM
MD
LG