Accessibility links

Breaking News

VaXi JInping Vanotambirwa Zvine Mutsindo Mukuru muZimbabwe


Zimbabwe China
Zimbabwe China

Mutungamiriri weChina, VaXi Jinping, vasvika muHarare mangwanani eChipiri ndokuita misangano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vaviri ava vanyorerana zvubvumirabo zvakawanda munyaya dzekudyidzanavano.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mugwagwa unoenda kunhandare yendege wange wakazara vana vezvikoro, vatsigiri veZanu PF pamwe nezvizvarwa zvekuChina zvinogara muZimbabwe zvakamirira kutambira VaXi nechikwata chavo.

VaXi vasvika panhandare yendenge nenguva dza10 mangwanani uye nhandare yendege iyi yange yakachengetedzwa nemauto.

VaXi vatambirwa naVaMugabe, makurukota ehurumende pamwe nevamairiri vedzimwe nyika muno nezviuru zvevanhuwo zvavo.

VaXi vapihwa ruremekedzo rwepamusoro rwe21 gun salute uyewo vazoongorora uto reruremekedzo kana kuti Guard of Honour.

VaXi vazoenda kuState House uko kwavanosaina naVaMugabe zvibvumirano zvakakati kuti.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaudza vatori venhau kuti kuuya kwaVaXi kuchasimbaridza kudyidzana munyaya dzepfumi.

Vati zvimwe zvezvirongwa zvichaisanwa chibvumirano chekuti China ibatsire Zimbabwe mukuvaka gwenya remagetsi kuHwange.

VaChinamasa vati pane makambani akawanda ekuChina atove kushanda muZimbabwe uye vanotarisira kuti kuuya kwaVaXi kuchakwezva mamwe makambani akawanda.

Asi mutauriri webato rinopikisa MDC-T, VaObert Gutu, vati rwendo urwu haruna charuchaburitsa nenyaya yehuori muhurumende.

VaXi vari kufamba nechikwata chevemabhizimisi vanosvika mazana maviri uye vachasimuka neChitatu vakananga kuSouth Africa uko vachanopinda mumusangano weChina-Africa Cooperation muJohannesburg.

XS
SM
MD
LG