Accessibility links

Breaking News

WOZA Inoratidzira Ichiti Kodzero dzeVanhukadzi Ngadziremekedzwe


Nhengo dzesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi re Women of Zimbabwe Arise, kana kuti WOZA, dzaratidzira muHarare neChina dzichiti dzinoda kuti kodzero dzemadzimai dzicherechedzwe mubumbiro idzva remitemo yenyika. WOZA inodawo kuti vatori venhau vashande vakasununguka.

Nhengo dzeWOZA idzi, idzo dzanga dzichidarika mazana matatu, dzatanga kuratidzira pakati pedhorobha zuva rorova nhongonya.

Nhengo dzeWOZA idzi dzanga dzakatakura mapepa ane zvinyorwa zvakasiyanasiyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi "Cherechedzai Kodzero dzeMadzimai Mubumbiro Idzva".

Chimwe chipoka chevaratidziri ava chatangira panosangana Fourth Street na Nelson Mandela uye chechipiri chatangira panosangana First Street na Kwame Nkrumah. Zvipoka zviviri izvi zvanga zvichigovera veruzhinji mapepa ane nhuna dzesangano reZOWA. Vanhu ava vaimba zvikuru paparamende ndokusiya vamwaya mapepa aya pamusuwo panga pachibuda nedzimwe dzenhengo dzeparamende.

Mutungamiri weWOZA, Amai Jenni Williams, vatambidza nhengo yeparamende uye varivo vanokokera nhengo dze Zanu PF
muparamende, kana kuti chief whip, Va Joram Gumbo, gwaro ranga rine nhuna dzavo.

Amai Williams vatiwo vanoda kuti kodzero dzemadzimai dzicherechedzwe mubumbiro idzva remitemo yenyika iro riri kunyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende yeCopac. Amai Williams vati dare reparamende rione zvaringaite kuitira kuti madzimai asatyorerwa kodzero dzawo munguva ichaitwa referendamu. Vati kana zvido zvevanhu zvikasabuda pa
referendamu, vachadzoka mumigwagwa zvakare.

Amai Williams vatiwo sangano ravo riri kuda kuti mutungamiri wenyika ange ari munhu ane makore asingadarike makumi matanhatu nemashanu uye haafaniri kutonga kwemakore anodarika gumi.

Vati vashandi vemapepanhau havafaniri kutora mativi munyaya dzezvematongerwo enyika. Zvichakadai, varatidziri ava vasiyawo gwaro renyunyuto pamahofisi ebepanhau re Herald vachiti vatori venhau veHerald vawane chekunyora nezvenhuna dzevanhukadzi.

Kuratidzira uku kwapera apo varatidziri vapedza kusvitsa gwaro renhuna dzavo paHerald.

Woza inotiwo madzimai anofanira kuwana mikana yekupinda muzvigaro zvizhinji zvemuhurumende uye inotiwo madzimai anofanirwa kuwana raramo yakanaka inoita kuti vagokwanisa kurera vana vavo nenzira dzakanaka.

XS
SM
MD
LG