Zimbabwe yapihwa mari inoita mamiriyoni zana emadhora nebhanga re World Bank pamwe nehurumende ye Sweden.
Mari iyi ichashandiswa mukugadzirisa mudhuri wedhamu re Kariba uyo wakatsemuka.
Bhanga re World Bank raburitsa mari inoita mamiriyoni makumi manomwe nemashanu emadhora, ukuwo hurumende ye Sweden yaburitsawo mari inoita mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora yakanangana nekuvakiridza mudhuri wedhamu reKariba mudunhu re Mashonaland West uyo wakatsemuka.
Izvi zvaziviswa nemukuru we World Bank anowona nezvinoitika mu Zimbabwe, Zambia pamwe ne Malawi, Amai Kundhavi Kadiresan, mushure memusangano wavaita mu Harare negurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa.
Kunyange hazvo hurumende yatenda nechikwereti ichi, Va Chinamasa vati hurumende ye Zimbabwe ne Zambia dziri kuda mari inoita mamiriyoni mazana maviri nemakumi mapfumbamwe emadhora kuitira kuti mudhuri wekuKariba uyu upere kugadziriswa.
Zvinonzi kana hurumende dze Zimbabwe ne Zambia dzikasamhanya-mhanya kugadzirisa mudhuri uyu, mhuka pamwe nevanhu vanodarika mamiriyoni mana vanogara mumahombekombe erwizi Zambezi vanogona kuurayiwa nemafashanu emvura anogona kuitika kana mudhuri uyu ukadonha.
Zimbabwe ne Zambia dzinogadzira magetsi kubva mudhamu re Kariba anoshandiswa munyika mbiri idzi.
Zvichitevera chikwereti chapihwa Zimbabwe ne World Bank ichi, Va Chinamasa vati hurumende ye Zimbabwe ichatanga nhaurirano nebhanga iri nechinangwa chekuti hurumende ikanzurirwe chikwereti chayo kubhanga iri.
Zimbabwe ine chikwereti kunze kwenyika chemari inodarika mabhiriyoni masere emadhora chairi kutadza kubhadhara ichiti homwe yayo yakabooka.