Mumiriri weUnited States muZimbabwe ave kusiya basa vachienda kunoshandira kunyika kwavo, VaBruce Wharton, vanoti Zimbabwe inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu, pamwe nekuremekedza zvinobuda mumatare edzimhosva kuitira kuti America ibvise zvirango zvayakatemera vamwe vanhu vemuZimbabwe vakaita semutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vamwe vavo.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatapi venhau neChina, VaWharton vati zvimwe zvinofanira kuitwa nehurumende yeZimbabwe, kuripa varimi vese vakatorerwa mapurazi apo paigariswa vanhu patsva makore anodarika gumi apfuura.
Pari zvino pane vanhu zana nevatanhatu nemakambani makumi matanhatu nemashanu akatemerwa zvirango zvehupfumi nenyika yeAmerica.
VaWharton vati mutemo wakashandiswa pazvirango izvi weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti ZIDERA unotaura pachena zvinofanira kuitwa neZimbabwe kuti zvirango izvi zvibviswe.
Vaenderera mberi vachiti mutemo uyu unopawo mutungamiriri weAmerica mukana wekubvisa zvirango izvi panguva ipi zvayo kana zvinhu zvichinge zvanaka muZimbabwe.
Vatiwo kunze kwezvirango, mutemo uyu unopawo America simba rekubatsira Zimbabwe panyaya dzekugadzirisa zvikwereti zvayo vakati ndosaka nyika yavo yange iri kutsigira chirongwa cheStaff Monitored Program icho chiri kutungamirirwa neInternational Monetary Fund.
VaWharton vatiwo America yakatsigirawo hurongwa hweZimbabwe hwekugadzirisa zvikwereti zvayo kumusangano weIMF wakaitwa kuPeru, Lima mwedzi wapfuura.
Panyaya yehupfumi, VaWharton vati Zimbabwe inogona kusimudzira mabasa ekurima nehupfumi kana ikapa simba kuvarimi kuti vakwanise kukwereta mari kumabhanga kuti vaite basa ravo vachiti kana mabasa ekurima akasimukira maindasitiri anosimukawo.
Pari zvino varimi havakwanisi kukwereta mari kumabhanga sezvo pasina chinoratidza kuti ndivo varidzi veminda.
Asi vatiwo zvakakosha kuti hurumende idzike mitemo yakajeka inokwezva vemabhizimisi vekune vachiti mutemo wekupa hupfumi kuvatema hauna kujeka uye unoita kuti vemabhizimisi vasauye munyika.
Kunze kwemitemo yakanaka, VaWharton vati runyararo nekugadzikana kwezvinhu munyaya dzematongerwo enyika kunodiwa kuti nyika ibudirire.
Vati semaonero avo remangwana reZimbabwe rakanaka chose kana ikadzika mitemo yakanaka.
VaWharton vari kusiya basa muZimbabwe vachienda kuWashington uko vari kunotora chinzvimbo chepamusoro uye vange vashanda muZimbabwe kwemakore matatu.
Aka ndekechipiri vachishanda muZimbabwe sezvo vakamboshanda muno zvakare vachitungamira chikamu chemuzinda wenyika yavo unodyidzana neveruzhinji.