Accessibility links

Breaking News

WFP Inotora Mubairo we2020 Nobel Peace Prize


Virus Outbreak Conflict and Famine
Virus Outbreak Conflict and Famine

Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose, re World Food Program, WFP, rIri kupihwa mubairo we2020 Nobel Peace Prize senzira yekucherechedza basa rakakosha rinoitwa nesangano iri mukuwanira chikafu vanhu vari munzara pamwe nekuunza runyararo mudzinharaunda dzarinoshandira.

Berit Reiss-Andersen, chair of the Nobel Committee, shows a displayed image with the logo of the World Food Program, humanitarian organization which has been announced as the Nobel Peace Prize laureate, in Oslo, Norway October 9, 2020.
Berit Reiss-Andersen, chair of the Nobel Committee, shows a displayed image with the logo of the World Food Program, humanitarian organization which has been announced as the Nobel Peace Prize laureate, in Oslo, Norway October 9, 2020.

Uyu mubayiro wekutanga kupihwa sangano iri kubva parakavambwa muna 1961, kunyange hazvo rakazotanga basa raro zviri pamutemo muna 1963.

Sangano rinopa mubairo uyu gore rega rega, reNorwegian Nobel Committee, rinoti rakapa WFP mubairo uyu gore rino sezvo sangano iri richishanda zvakasimba mukudzivirira kuti nzara isashandiswa sechombo chehondo nekunetsana kwevanhu pasi rose.

WFP ichatambidzwa mubairo uyu zviri pamutemo musi wa Zvita 10, 2020 pamabiko achaitirwa muguta guru reNorway, reOslo.

Mubayiro uyu unouya nemari inoita mamiriyoni gumi yemhando rweSwedish kronor, iyo inoenzana nemairiyoni imwe chete yemadhora ekuAmerica.

WFP yakabatsira gore rapera nechikafu kuvanhu vanosvika zana remamiriyoni munyika makumi masere nesere, kusanganisira Zimbabwe.

WFP Masvingo
WFP Masvingo

Gore rino sangano iri rinoti riri kurwisa nzara munyika dzakawanda idzo dziri kuvhiringwa nechirwere cheCovid-19, uye rakakwanisa kuunganidza mari inosvika mabhiriyoni masere emadhora ekuAmerica.

Mutauriri weWFP, VaTomson Phiri, vanoti vari kufara zvikuru kuti sangano ravo rakaremekedzwa nemubairo uyu izvo zvisati zvamboitika munhoroondo yeWFP.

VaPhiri vanoti sangano ravo riri mubishi rekutsvagira Zimbabwe mari inoita mazana matatu emamiriyoni emadhora kuitira kuti ritengere vanhu vemuZimbabwe chikafu chinoita kuti vasvike pamwaka wekukohwa gore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG