Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Vanhu Vanodarika Mamiriyoni Matatu muMadhorobha Madiki Vanoda Rubatsiro rweChikafu


Bazi reUnited Nations rinoona nezvechikafu reWorld Food Program, WFP, rinoti huwandu hwevanhu vari mumadhorobha vanoda chikafu hwasvika pamamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu kana kuti 3,3 million kubva pamamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri kana kuti 2,2 million.

NeChitatu WFP yakatanga hurongwa hwekubatsira vasina zvekudya mumaguta nekuvapa mari inosvika madhora gumi nemaviri ekuAmerica panguva iyo huwandu hwevari kuda rubatsiro rwechikafu hwawedzera nekuda kweCovid-19 uye kurasikirwa nemabasa kwevanhu vakawanda nenyaya iyi.

Vanhu zviuru zana nezvitatu nemazana manomwe kana kuti 103, 700 vari kupihwa rubatsiro urwu vari kuGokwe, Redcliff, Kwekwe, Ruwa, Chinhoyi, Buhera, Chipinge ne Chegutu.

Mari yekubatsira vanhu ava inosvika mamiriyoni gumi ekuAmerica, uye yakabva kubazi rehurumende yeAmerica reUSAID, iro riri kubatsira vamwe vanhu vanosvika miriyoni imwe chete kumaruwa.

Mumashoko kuvatori venhau, mukuru weUSAID muZimbabwe, VaArt Brown, vanoti vacharamba vachibatsira vanhu vemuZimbabwe nechikafu uye hutano munguva ino yekurwisa Covid-19.

Mukuru weWFP muZimbabwe, Amai Francesca Erdelmann, vati Covid-19 yapa kuti vanozviitira mabasa emaoko vashaye chekubata.

Asi mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vanoti vamwe vanhu vakawanda varasikirwa nemabasa sezvo mamwe makambani akundikana kuvhurwa mushure mekumbovharwa munguva yekurwisa Covid-19.

Hurukuro naDoctor Israel Murefu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG