Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Hurumende Iri Kukundika Kubatsira Vanhu Mamiriyoni Matatu Vayakavimbisa Kupa Chikafu


hunger
hunger

Gwaro rakaburitswa neWorld Food Program, WFP, rinoti hurumende yeZimbabwe iyo yainge yavimbisa kubatsira vanhu vayo mamiriyoni matatu nechikafu yave kukundikana kuita izvi, zvopa kuti sangano iri ritakurezve mutoro wekutsvagira vanhu ava zvekudya.

Zimbabwe yakatarisana nenzara inotyisa inonzi neUnited Nations yakakonzerwawo nekuzvisikira moto muziso pane dzimwe nguva. Vanhu vanosvika mamiriyoni masere vakatarisna nenzara munyika yose.

Asi gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaMangaliso Ndlovu, vakaudza nhepfenyuro yeBBC kuti vamwe vanhu vari kuita zvegudziramukanwa panyaya yechikafu.

Vanhu vari kupihwa mafuta ekubikisa, bhinzi nezvimwe zvinovaka muviri. Kekutanga munhoroondo yayo, WFP yave kumanikidzwawo kupa vanhu vemumadhorobha chikafu.

Madhorobha anonzi akatatisana nenzara inotyisa anosangansira Norton, Epworth, Plumtree, Marondera, Chinhoyi nemamwe.

Vanomirira Goromonzi West mudare reparamende vari mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vanoti munzvimbo mavo nzara yapfunya chisero.

Hurukuro naVaEnergy Mutodi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mumiriri weMarondera Central mudare reparamende, VaCaston Matewu, vanoti zvinhu munharaunda mavo hazvina kumira zvakanaka.

Hurukuro naVaCaston Matewu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG